Nyama waiwanepi?

ASSISTANT Commissioner Bernard Dumbura
ASSISTANT Commissioner Bernard Dumbura

MAPURISA eZimbabwe Republic Police anoti haasi kuzodzokera shure mukusunga vose vari kutengesa nyama yemikoto mumigwagwa pamwe chete nemumabhucha sezvo zviri kukurudzira kubiwa kwezvipfuyo pamwe chete nekuparadzira zvirwere.
Mashoko aya akataurwa naAssistant Commissioner Bernard Dumbura, avo vanova National Anti-Stock Theft Co-odinator, kuChitungwiza svondo rapera pamusangano wavakaita nevari mubhizimisi rekutengesa nyama pamwe nevagari veko.

“Kune mabhucha ari kushanda munzvimbo dzakawanda asina marezinesi muChitungwiza pamwe chete nemuHarare. Izvi hazvibvumirwi naizvozvo semapurisa tichaedza nepatinogona kuti vanhu vari kuita izvi vaite zviri pamutemo.

Hazvisi kune vemabhucha chete, asi neavo vari kutengesa nyama mumigwagwa. Izvi hazvisi pamutemo nekuti zviri kukanganisa utano hweruzhinji,” vakadaro.

Vakati pazvinhu zvose zvinotengeswa, nyama ndiyo inofanirwa kungwarirwa zvakanyanya nekuti ine chekuita neutano hweruzhinji nekubiwa kwezvipfuwo.

“Tinotarisira kuti nyama yose inotengeswa itange yaongororwa kuti yabva kupi uye kuti yakachena here zvinova zvisingazokonzeresi zvirwere.

“Dzimwe nyama ndedzemombe kana mbudzi dziri kubiwa kumamisha dzouya dzotengeswa kuno. Kazhinji dzinotengeswa panguva yehusiku zvekuti vanhu havazooni kuti zvabva kupi uye kuti dzakanaka here,” vakadaro.

Asst Com Dumbura vakati dzimwe nyama dziri kutengeserwa vagari vekumaruwa dzinenge dziri dzemombe dzakafa nezvirwere.

“Vari mumabhizimisi ekutengesa nyama ngavatange kukoshesa utano hwevanhu pane kuda mari zvakanyanya.
Nyama inokasira kuwora naizvozvo kune avo vane tumisika twemumigwagwa tinoti tichavasunga sezvo zvisiri pamutemo uye zvichikonzera zvirwere nekuti nyama iyi inenge ichimharwa nenhunzi,” vakadaro.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×