Regai kushungurudza vanhukadzi: Mujuru

VICE President Joice Mujuru
VICE President Joice Mujuru

MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika, Vice President Joice Mujuru, vanoti Hurumende yakazvipira kurwisa kushungurudzwa nekubatwa chibharo kwevanhukadzi uye zvakakosha kuti mapoka ose abatane mukupedza dambudziko iri.
VP Mujuru vakataura mashoko aya svondo rapera muHarare pavaiparura chirongwa chine donzvo rekurwisa kushungurudzwa kwevanhukadzi, cheNational Action Plan Against Rape and Abuse.

VP Mujuru vakati zvinosuwisa kuona kuti kunyangwe kumamwe machechi, vanhukadzi vari kushungurudzwa nekubatwa chibharo.

Vakati zvinorwadza kunzwa kuti magwaro ane nyaya dzakamhan’arwa kumapurisa anoratidza kuti vanhukadzi vanodarika 10 000 vakabatwa chibharo kubva gore ra2012 kusvika pamwedzi mitatu yekutanga yegore rino.

“Tichitarisa magwaro atinopihwa nemapurisa nedzimwe nyaya dzatinoverenga mumapepanhau zuva nezuva, hazvisiri kuenderana nekuva vanhu vemuZimbabwe. Chiiko chiri kuitika, taisepi hunhu pamwe nekusatya Mwari?” vakadaro VP Mujuru.

“Upenyu hunogarika sei kana vanababa vave kubata vana vavo, chembere dzichibhinywa nevazukuru? Aiwa tarasika, sevanhu vane chidanho chepamusoro munyaya dzedzidzo muAfrica izvi hazvienderane nehunhu hwatiri kuita, zvinodzosera nyika kumashure. Mukadzi musha, ngatiregei kushungurudza vanhukadzi,” vakadaro VP Mujuru.

Vakati vemakereke, madzishe nevamwe vatungamiriri vemunharaunda vanofanirwa kushoropodza pachena kuipa kwakaita kushungurudzwa nekubhinywa kwevanhukadzi.

“Zvakare, ndinokurudzira vekumatare edzimhosva pamwe nemapurisa kuti vatambire nyaya idzi sedzazviri kwete kupihwa chiwoko muhomwe. Kana munhu abatwa nemhosva ngaapihwe mutongo unoenderana nemhosva yake,” vakadaro.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×