Kuzvibata kwakakosha mukudzivirira HIV

Fadzayi Maposah
HAZVISI nyore kuva wechidiki panguva ino.Vechidiki vari kusangana nematambudziko akawanda pavanokura.  Pamwe pacho vanotorwa sevana asi pamwe sevanhu vakuru, chero munhu anenge achishanda navo aine zvaanoda kuzowana.

Imwe nyaya inobata vechidiki ndeyekuzvibata nekuzvideredzera. Zvakakosha kuti tione kuti vana vedu tavasimudzira kuitira kuti vasazofuririke. Vazhinji vanopedzisira vave kuita zvepabonde nenhau yekufuririka.

Kuzvikoshesa kwakakosha kune vechidiki, kusanganisira pamafungiro nezvatinoita.

Tingaziva sei kuti munhu anozviremekedza?

Kuita zvinhu zvakakukoshera iwe usina hanya nekuti vamwe vanhu vanofungei newe zvichiita kuti ubudirire.

Munhu anozvideredzera saka haaoni chakanaka chaanoita uye anogona kuratidza kuva ane hukasha kana achinge aona kuti zvaanoita hazvisi kutariswa.

Kuzvideredzera hakuna kunaka, vana vanofanira kuzvisimudzira vachibatsirwa nevabareki, shamwari nehama.

Vabereki vanofanira kucherechedza zvese izvi kuti zvipo zvevana zvionekwe.

Takatarisa nyaya yeHIV, AIDS uye utano hwesikarudzi zvakakosha kuti tikoshese kuzvisimudzira sevanhu.

Vanhu vanozvisimudzira vanotora matanho akanaka ehupenyu hwavo nekuti vanenge vachizvikoshesa kusanganisira nyaya dzeutano hwavo.

Sangano reNational AIDS Council nevamwe vatsigiri varo – kunyangwe vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV – vanogona kumira semuenzaniso kana vachibatsira vamwe mukutsigira zvirongwa zveutano.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×