
MUKOMANA wechidiki wekunzvimbo yakagariswa vanhu patsva kupurazi reSweet Valley, kwaNegomo kuChiweshe, akashamisa ruzhinji apo akabuda pachena kuti aiva ashereketa nemombe izvo zvakaita kuti aripiswe mombe imwe chete nehwai nekuda kwechipini ichi.
Mupurisa waMambo Negomo, VaStohia Chikorwa (65), vanoti mukomana uyu akabvuma mhosva yake. “Mukomana uyu anogara natete vake hanzvadzi yababa papurazi iri uye anonzi akabatira mumwe wake zoro rekufudza mombe uri musi weSvondo apo akazowanikwa achishinha nemombe yevamwe amai vepapurazi apa,” vakadaro VaChikorwa.
Zvakabuda mudare rashe kuti mukomana uyu apo aiva kumombe oga, akawana mukana wekusunga imwe mhou inokamwa ndokushereketa nayo.
“Saka kumba kwemukomana uyu kuri kubva mombe inoenda kunotsiva yaamai ava. Iya yaakashinha nayo yakaendeswa kwaMambo Negomo senzira yekuripa midzimu pachivanhu chakanganiswa,” vakadaro VaChikorwa.
Achitaura mudare, mukomana uyo anonzi akanyatsotsanangudza mapariro aakaita mhosva iyi izvo zvakawirirana nezvairehwa nemunhu akamuwanikidza.
Mukomana uyu (zita hatiriburitse nekuti haasati asvitsa sera revakuru), uyo ari muForm 1 paBatanai Secondary School, achitaura neKwayedza, akabvuma nyaya yake yekuti akabatikidzwa “achitamba nemombe”.
“Ndakazviita, hapana chandinoramba. Asi handizive kuti zvaifamba sei nekuti ndakazongoerekana mukomana akandiona ava kunditsiura. Ndiye akazotaura kuno kumusha shoko ndokusvitswa kuvaridzi vemombe. Ini handina zvangu musikana, uku kutanga kuita izvi. Ndinokumbira ruregerero,” akadaro.
Anoti akatsvaga tambo yekusungisa mombe iyi musango asati atanga mabasa ake.
Tete vemukomana uyu (zita ravo tinaro), vanoti vasvitsa makore matatu vachimuchengeta.
“Ndini ndinogara naye mwana uyu, ndakazongoona tave kushevedzwa kudare ndichinzi mazvinzwa here kuti muzukuru wenyu awanikidzwa nemombe. Iye takamubvunza akabvuma asi ini ndinoti mwana anoda kufambirwa, mweya yetsvina chaiyo,” vakadaro.
Vanoti akambotorwa nemapurisa emumusha nekuda kwenyaya iyi kudzimara yakazosvitswa kudare uko vakanzi varipe mombe iyi kumuridzi wayo.
Murume watete ava, uyo anova mukuwasha kuna nyakupara mhosva, anoti nyaya yakaitwa natsano vake iyi yakavashamisa zvikuru.
“Ini tose nemudzimai wangu sezvo tiine mombe dzandakanga ndabvisa nhatu dzeroora, tichatora imwe chete yoenda kunoripa amai vemombe yavo ava,” akadaro.
Vamwe vemhuri iyi vari kuti mukomana uyu akakonzerwa kuita izvi nemweya yakaipa. Baba vemukomana uyu vanonzi havasi kuzivikanwa kwavari. Amai vake vanonzi vakafa mugore ra1998.
Mombe yakashereketwa nayo ndeya Mai Daniye Mazungunye, avo vasina kuonekwa neKwayedza pakashanyirwa nzvimbo iyi vachinzi vainge vashanya kuHarare.
Munhu anonzi akawanikidza mukomana uyu, haanawo kuonekwa nevatori venhau.



