SOUTHAMPTON haisi kuzorambidza Morgan Schneiderlin mukana wekunotambira Manchester United asi Ronald Koeman akayambira kuti haaendi nemari shoma.
United yakati inoda kubhadhara 20 miriyoni paunzi yekutenga mutambi uyu asi yakaudzwa kuti iuye nemari inodarika 30 miriyoni paunzi kana ichida kutenga chizvarwa chekuFrance ichi.
“Mutambi wose ane mari yake yatinotarisira paari uye isu tinogona zvekutengesa vatambi,” akadaro Koeman. “Kana Morgan Schneiderlin achidiwa zvakanaka, asi panofanirwa kubhadharwa mari yakakodzera.
“Mumwe wevatambi vakuru muchikwata chedu. Mutambi mukuru kuFrance. Handifunge kuti pane chinonetsa ipapo kuMan United.”
Scheiderlin akarambirwa kuti abve gore radarika apo Arsenal neTottenham zvaida kumutenga nekuti maSaints ainge atengesa Adam Lallana, Dejan Lovren naRickie Lambert kuLiverpool, Luke Shaw akatengeswa kuManchester United uye maneja wacho Maurichio Pochettino ange aenda kuTottenham.
Yakatamba zvinonwisa mvura zvichitevera kubva kwakaita vatambi ava izvo zvakaiona ichipedza iri pechinonwe ndokubudirira kupinda mumutambo weEuropa League uye Schneiderlin akatamba zvinofadza.
Gore rino, vakagadzirira kuenda kwake uye vakanyora pasi vamwe vatambi vavanoda kutenga kuti vagomutsiva, mutambi weFeyenoord Jordy Clasie ari pamusoro pevose vavanoda.
Koeman akati masvondo maviri adarika Manchester United yakati inoda kumutenga. Mari yavaida kubhadhara yange isingakwane. Nanhasi havasati vadzoka zvakare.
“Ndinoziva patimire. Ndakataura naMorgan. Mwaka wadarika takati zvakwana Morgan hapana kwaanoenda nekuti taisada kuramba tichitengesa vamwe vatambi.
“Zvange zvakamuomera asi akadzoka papfuura mazuva akagadzirira akatamba nhabvu inodakadza mwaka wacho. Asi tinoziva mamiriro ezvinhu kuti ari kudiwa nezvikwata zvakawanda.” — Daily Mail Online




