Nyanduri wePLD BOOKSHOP
MWANA anenge anyora detembo rake rikabuda muKwayedza achazviwanira mubairo mukuru wekutenga mabhuku anokosha US$20 kubva kuchitoro chemabhuku chePLD Bookshop. Akahwinha svondo rino ndiLoreen Gandiwa wemuGrade 2 Blue paZimbiru Primary School, kuDomboshava.
Makorokoto Lolo!
Ridza nhare panhamba dzinoti 0773 296 072 kuti uzotora mubairo wako.
Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka
Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…




