Nyanzvi dzesainzi dziri kusangana

BAZI redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina svondo rino riri kuita gungano rekuratidza hunyazvi hwezvigadzirwa zvesainzi kuburikidza netsvakirudzo yakadzama – Research and Intellectual Expo – Science, Engneering and Technology Week (RIE-SET week 2014) – nedonzvo rekusimudzira mabasa ane chekuita nesainzi.

Gungano iri richaitirwa kuUniveristy of Zimbabwe kubva nemusi weChitatu kusvika neMugovera uye richapindwa nenyanzvi dzesainzi dzemuZimbabwe pamwe nedzekune dzimwe nyika.

Chinyorwa chakabva kubazi iri chinoti zviratidzwa izvi zvichapa mukana kune vanamazvikokota vesainzi, vanosanganisira vemuHurumende, indasitiri, zvikoro, mayunivhesiti pamwe nemamwe masangano akazvimirira, wekupangana mazano.

“Chirongwa ichi chakavambwa nebazi rino nechinangwa chekuratidza hunyanzvi hwezvigadzirwa zvesainzi kuburikidza netsvakiridzo yezvizvarwa zveZimbabwe, kusanganisira zviri kunze kwenyika.

“Chinopa mukana wekupangana mazano nekushanda pamwe chete kwemapoka anoona nezvedzidzo yepamusoro,” rakadaro bazi iri.

RIE Expo yakavambwa mugore ra2011 zvikaita kuti iite mukurumbira segungano ravanamazvikokota vesainzi rekupangana mazano.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×