Nyanzvi dzoti hakuna zvakadaro

Muchaneta Chimuka

NYANZVI inoona nezveutano hwemhuri kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (director for family health), Dr Bernard Madzima, vanoti hakuna zvakadaro zvekuti munhukadzi anotevera nemukanwa.

“Hazviitike kuti munhukadzi anotevera mazuva ake nemukanwa. Tingatofungidzira kuti anogona kunge aine chimwe chirwere chinofanira kuvhenekwa kwete zvekutevera nekuti ropa rekutevera rinofanira kuwanikwa richibuda kuburikidza nesikarudzi kubva muchibereko,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nemutungamiriri wesangano rinomirira machiremba echivanhu reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vachiti kunyangwe pachivanhu hakuna zvinhu zvakadaro kuti munhu anotevera nemukanwa.

“Zvitori zvitsva, hatisati tambozvinzwa. Mudzimai uyu anogona kunge aine rimwe dambudziko semaronda muchipfuva saka anoda kuvhenekwa nemachiremba echivanhu. Asi tinokurudzira kuti atange aonekwa nemachiremba echirungu nekuti zvimwe zvacho zvinoda michina yechirungu. Aiwa izvi zvinotityisawo isu,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *