Nyaradzo pfacha neSahwira Wear and Win Promotion

Munyori weKwayedza

NYARADZO Group nemusi weChishanu yakaparura makwikwi achahwinhisa vanhu vanopfeka hanzu kana kuti mbatya dzinodyidzana nejira rine zviratidzo zvekambani iyi anonzi Sahwira Wear and Win Promotion ayo achaona vanhu vachikumba mibairo yakasiyana senzira yekupemberera kusvitsa kwayo makore 20 iri mubhizimusi.

Vachiparura chirongwa ichi, chamangwiza weNyaradzo Group, VaPhilip Mataranyika, vanoti chichaitwa kwemwedzi mitatu inotevera asi chichipindwa bedzi nevanhu vanova nhengo dzeNyaradzo pamwe nevakanyoresa vane makore 18 okuberekwa zvichienda kumberi.

Mibairo ichahwinhiwa inosanganisira motokari itsva yemhando yeToyota Single Cab truck, matarakita, midhudhudhu, matikiti ekuenda kunzvimbo dzemafaro nekutandarira, malaptop nenharembozha dzemhando yepamusoro.

“Kambani yedu yakaunza chirongwa ichi nechinangwa chekuti vanosona mbatya varatidze hunyanzvi hwavo uye dzichizotengeswa kuburikidza nezvitoro zviri padandemutande (Nyaradzo Online Catalogue) mumapazi ose eNyaradzo.

“Kana musina kunyoresa nesu pazvirongwa zveFuneral Policy, uyu ndiwo mukana wekuti mubatane nesu. Zvekare kune vaya vanga vaine zvikwereti, ndiwo mukana wekuti muchibhadhara kuti mufambirane nevamwe,” vanodaro VaMataranyika.

Nyaradzo yakatanga ichiita zvekuviga vafi chete asi pari zvino yakava nemamwe mabandiko seNyaradzo Life Assurance Company, Calundike Exports, Eureka Insurance Brokers, Sahwira Events, Lifestyle, Sahwira Bureau De Change neNyaradzo Asset Management.

Kambani iyi, kunze kwemuZimbabwe, inowanikwa kune dzimwe nyika dzinosanganisira South Africa neUnited Kingdom.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×