‘Vakaremara tinoda ruzivo nezveCovid’

Abel Ndooka

SANGANO reSigns of Hope rinoti vanhu vakaremara vanoda kuwaniswa ruzivo rwakazara pamusoro pechirwere cheCovid-19 kuburikidza nemitauro yavanonzwisisa inosanganisira wemasinai (Sign Language) uye nekubaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri.

Director wesangano iri – Mai Samantha Sibanda – vanoti vanhu vakaremara vari kusarira kumashure panyaya yekurwisa chirwere ichi sezvo ruzivo rwavari kuwaniswa rwuri kuperevera.

“Vanhu vakaremara vari kusangana nematambudziko mazhinji akaunzwa neCovid-19 nekuti vamwe vavo havazi kuwana ruzivo nemitauro yavanonyatsonzwisisa. Isu tiri kuchema kuti dai pave neruzivo urwo rwavanonyanzwisisa rwunosanganisira mutauro wemasaini neBraille zvinotsanangura nezveCovid-19 nekubaiwa kwenhomba yechirwere ichi.

“Izvi zvinobatsira chaizvo kuti vanzwisise kuti chii chinonzi Covid-19 uye zvavanofanirwa kuita kuti vadzivirire isapararire nekuti havasi vose vakawana mikana yekuenda kuchikoro,” vanodaro Mai Sibanda.

Mashoko avo anotsinhirwa naexecutive director wesangano reDeaf Women Included – Mai Agnes Chindimba – vachiti vabereki vane vana vakaremara vanofanirwa kuvaendese kuzvikoro kuitira kuti vagone kuzvimirira muupenyu uye kuziva kodzero dzavo kana vazosangana nematambudziko anosanganisira kumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana.

Mai Agnes Chindimba

“Zvakakosha kuendesa vana vakaremara kuchikoro kuti vanodzidza kuzvishandira nekuziva kodzero dzavo nekuti zvinovabatsira mune remangwana kana vakasangana nematambudziko ane chekuita nekumbunyikidzwa nekushungurudzwa.

“Mutsvakurudzo yakaitwa, zvakaonekwa kuti vana ava vanogona kushungurudzwa nemunhu wepedyo chaiye, angave hama kana wemuraini. Saka kuti mwana anomhan’ara anenge aine pfungwa yekuti munhu iyeye ndiye ari kumubatsira muupenyu hwake.

“Asi kana mwana akadzidza achiziva kodzero dzake anoenda onomhan’ara,” vanodaro.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×