Nyika dzotarisirwa kutengeserana

NYIKA dziri mudunhu reSouthern Africa dzine mikana yekusimudzira nyaya dzekutengeserana senzira yekurwisa nzara pamwe nekuchengetedzwa kwechikafu.

Mashoko aya akataurwa naSub-regional Coordinator for Southern Africa wesangano reFood and Agriculture Organisation, VaDavid Phiri, pamusangano wemazuva maviri wakaitwa neFAO nedzimwe nhengo dziri mumapoka ekurima akasiyana dzakabva kunyika dziri muAfrica muHarare munguva pfupi yadarika.

“Chinangwa chemusangano uyu ndechekuti tibatsirane nemazano ekurwisa nzara munyika uye kuti kurima kutorwe sebhizimusi nekuti kubva mumakore gumi adarika pane shanduko huru iri kuitika munyaya dzekurima dzinosanganisira dzekutengeserana zvirimwa kunova kuri kuderera zvichizoita kuti mitengo yezvinhu inge ichikwira,” vakadaro VaPhiri.

Vanoti kushanduka kuri kuita zvinhu mumahindasitiri uye mumisika yekutengeserana kunorevawo kuti mitemo ine chekuita nenyaya dzekutengeserana inofanira kusandurwa.

“Tinoda mitemo inoita kuti varimi vange vachiwana misika mitsva uyewo kuti nyika dzinge dzichitora mikana yekutengeserana nekusimudzirwa kwekudya kune utano kweruzhinji,” vakadaro.

VaJamie Morrison vanove Senior Economist kuchikamu cheTrade and Market Division kuFAO vakati musangano uyu wakakosha zvikuru mukusimbaradza nyaya dzekutengeserana.

“FAO ine basa guru rekufundisa varimi vari munyika dzakasiyana kukosha kwenyaya yekutsvaka misika kunze kwenyika nemunyika dzavari senzira yekusimudzira mabasa ekurima. Kurima kwakakosha nekuti kunoita kuti vanhu vawane mabasa pamwe nekuderedza nzara,” vakadaro VaMorrison.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, munyori mukuru kubazi rezvekurima, VaRingson Chitsiko, vakati kurima ndiwo musimboti weupfumi hweZimbabwe nokudaro kunofanira kusimudzirwa.

“Upfumi hwenyika kwakabatwa nekurima, kurima uku kunosanganisira bhizimusi rehove, kurima kudya kunovaka muviri nezvimwe zvinofambirana nechirongwa cheHurumende cheZimAsset,” vakadaro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×