Munyori weKwayedza
MUTUNGAMIRI wenyika, President Mnangagwa, vanokurudzira vechidiki kuti vave pamberi panyaya yekusimudzira budiriro yenyika uye vanoti vanoshushikana zvakanyanya nekushandiswa kuri kuitwa zvinodhaka nevamwe vezera iri.
Vakataura mashoko aya pakucherechedzwa kweMunhumutapa Day neMuvhuro svondo rino, rinovazve zuva rimwe chetero rakapembererwa kusvitsa kwavo makore 83 okuberekwa pagungano raive nezviuru zvevanhu kwaMapanzure, kuZvishavane.
Pachiitiko ichi voruzhinji vakawana mukana wokudya keke pamwe chete naPresident Mnangagwa nemhuri yavo.
Vanoti zvakakosha kuti vechidiki vasiyane nekatsika kekutora zvinodhaka sezvo vari ivo vatungamiri vamangwana, nokudaro nyika haingatungamirirwi nezvidhakwa.
“Chingofunga nyika ichitongwa nemunhu akasticker? Hatingafambisi nyika mushure mekutora zvinodhaka, nokudaro sevechidiki, tinofanirwa kubatana uye kuzvichengetedza kubva kuunhu hwakaipa hwakadai,” vanodaro President Mnangagwa.
Vanoti vechidiki vemazuva ano vanofanirwa kutevera matsimba evechidiki vakavatangira, avo kuburikidza nemweya wekubatana, vakarwa vakakunda muhondo yekusunungura nyika mugore ra1980.
Pasi peutongi hweHurumende yeSecond Republic, pave nebudiriro huru muzvikamu zvakasiyana-siyana zveupfumi hwenyika, izvo vechidiki vanofanirwa kutora mikana iri mazviri kuti vasimudzire upenyu hwavo.
“Saka, vechidiki vanhasi vanofanirwa kunzwa kusimudzirwa nebudiriro yevechidiki vakavatangira uye kuti vave pamberi panyaya yekusimudzira budiriro yenyika apo tinobatana mukuzadzikisa zvinangwa zvedu,” vanodaro President Mnangagwa.
Vakarumbidza First Lady Dr Auxillia Mnangagwa nekuve pamberi muchirongwa chekurwisa kutorwa kwezvinodhaka, ndokuenderera mberi vachiti vanhu vane pfungwa dzakatwasuka, dzisina kukanganiswa nezvinodhaka, ndivo bedzi vanokwanisa kushanda mukuzadzikisa zvinangwa zvebudiriro yeZimbabwe.
“Nyika ine utano inyika ine budiriro. Nokudaro, sevechidiki, munofanirwa kuchengetedza pfungwa dzenyu nemiviri yenyu kubva kune zvakaipa zvinokanganisa unhu hwedu hwakanaka.
“Munofanirwa kusarudza kuve neunhu hunoyemurika muupenyu, kwete kuzviparadza. Simba renyu rakakosha. Nokudaro, rinofanirwa kuramba richishandiswa mubudiriro yechizvinozvino uye mukusimudzirwa kwemaindasitiri munyika yedu yatinodisisa, Zimbabwe,” vanodaro.
President Mnangagwa vanoti vechidiki zvizvarwa zvakabva kumhare, Great Munhumutapa, nokudaro, nyika inovimba navo kuti vanokwanisa kusimudzira budiriro yenyika.
Vanoti Munhumutapa Day rakakosha munyika nokuti rinopa mukana kune voruzhinji kuti vapemberere nekuyemura basa guru riri kuitwa nevechidiki mukusimudzira budiriro yeZimbabwe.




