‘Nyoka yeraki yandishupa’

Hazel Marimbiza ari  kuESIGODINI
“MAPURISA, mapurisa! Ndauya kuzosiya nyoka yangu yeraki iyi kwamuri, ini yava kundinetsa. Zvayava kuda handichazvikwanisa . . .”Mapurisa anoshandira paZRP Esigodini Police Station, kudunhu reMatabeleland South, svondo rapera akasara asina nechekutaura apo mumwe murume akasvika nenyoka yaainge akamonera muhuro make achiti ndeyake uye aida kuisiya pakamba apa sezvo ari kuti haachakwanise kuramba achiichengeta.

Murume uyu anoti zvava kudiwa nenyoka iyi — kusanganisira zvainodya — haachazvigona zvisinei nekuti agara nechikara ichi kwenguva refu achichisevenzesa semushonga weraki.

Murume uyu — uyo anongozviti Felex — anobva kuHabane Township akachema-chema kumapurisa achivakumbira kuti vatore nyoka iyi.

Felex ari kuti ava nemakore akawanda achigara nenyoka iyi murunyararo asi hondo yazotanga apo ave kukundikana kuipa chikafu chainoda uye chainoguta.

Mumwe mupurisa pakamba iyi, uyo anokumbirisa kuti zita rake risadurwe sezvo mutemo webasa rake usingamutendere kutaura nevatori venhau, anoti, “Felex agara nenyoka yake kwemakore sezvo achivimba kuti inomupa mhanza yakanaka mune zvose zvaanoita muupenyu hwake. Munguva pfupi yadarika, nyoka iyi yakatanga kumushungurudza nekuti yange isingachaguta chikafu chainopihwa.

VaTinashe Farawo

“Auya nenyoka iyi kukamba yedu ndokukumbira kuti timuchengetere. Anoti haasisina chikafu chekuipa nekudaro yave kumushungurudza.”

Zvisinei, mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland South, Philisani Ndebele, vanotsinhira nyaya iyi.

“Takamuudza kuti atore nyoka iyi aende nayo kune vebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks),” vanodaro.

Asi mutauriri weZimparks, VaTinashe Farawo, vanoti hapana nyoka yakaunzwa kubazi ravo nemunhu uyu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *