Vana vakapihwa masanitary pads

Daphne Machiri
SANGANO rinobatsira vanasikana vanobva kumhuri dzinotambura, rePATH Initiatives, riri kusimudzira utano hwavo muzvikoro kuburikidza nekuvawanisa zvekushandisa panguva yekutevera (sanitary pads) pachena. Nguva pfupi yadarika, sangano iri rakapa masanitary pads kuvanasikana vepachikoro cheChihuri Secondary School chiri kuBindura kudunhu reMashonaland Central.

Mutungamiriri wesangano iri, VaStanford Chabayanzara — avo vanobvawo kudunhu iri nevamwe vavo vatatu — vanoti chirongwa ichi vakachivamba nechinangwa chekusimudzira utano hwevanasikana.

“Takavamba sangano iri kuti tikwanise kuvandudza dzidzo yemwanasikana uye zvakare kuti vawane mukana seunowanikwa nevanakomana,” vanodaro VaChabayanzara. Vanoenderera mberi vachiti, “Chirongwa chekupa masanitary pads kuvanasikana chakatanga mushure mekunge taona kuti zvakakosha kuti tibatsire munharaunda dzatakakurira.”

Vanoti vamwe vanasikana vari kushandisa mapepa kana machira panguva yavo yekutevera izvo zvine njodzi kuutano hwavo.

‘‘Takapa vanasikana vechikoro mapads vanopfuura 180 uye pamumwe nemumwe wavo taipa mapaketi manomwe,” vanodaro.

Vanoti sangano ravo rinopa zvakare mabhezari kuvana vanobva kumhuri dzinoshaya.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *