Nyora zvinoverengeka

Munyaradzi  Gunduza

KURUDZIRO yandingakupai ndeyekuti mushandise runyoro rwunoverengeka kuitira kuti vakwenyi vebvunzo vakwanise kunzwisisa mhinduro dzamunenge muchipa.

Runyoro runokosha zvikuru pakupindura bvunzo nekuti ukanyora zvinhu zvisingaverengeki kana zvisinganyatsooneki, unenge uchiita kuti mhinduro dzako dzisanyatsoburitsewo pachena pfungwa dzako.

 Naizvozvo kurudziro ndeyekuti runyoro ngarwuverengeke.

Mapepa aunoshandisa pakupa mhinduro ngaave akashambidzika kwete kubharangidza pepa. Ukabharangidza pepa unokanganisa basa rako kuti ribude richionekera zvakanaka.

Hazvireve kuti kucheka chinhu chaunoona kuti hachisiricho kunorambidzwa, asi kuti ngazvionekwe kuti zvausiri kuda zvachekwa pasina kubharangidza.

Mhinduro dzako dzinongoonekwa nekuti dzinenge dzisina kuchekwa.

Wapedza bvunzo, cherechedza kuti mapepa ese awashandisa pakunyorera bvunzo dzako akabatanidzwa zvakanaka uye akarongana semapinduriro awaita bvunzo.

Zvisinei hazvo, regai nditore mukana uno kutenda vaverengi vese vakanga vachiverenga chikamu chino kubva gore richitanga kusvika nhasi uno.

Mese makatotanga kunyora bvunzo uye vamwe vakatopedza kana kuti vave kupedza saka ndinokushuvirai rombo rakanaka kuti munge muchibudirira mubvunzo idzi kuitira kuti mugozadzikisa zvishuwo zviri kutsi kwemwoyo yenyu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *