Nzeve yobatsira vasinganzwi

SANGANO rakazvimirira reNzeve Deaf Children’s Centre riri kuSakubva, kwaMutare, riri kubatsira vechidiki vanove matsi nekuvadzidzisa nezveutachiona hweHIV neAIDS pamwe chete nemabasa emawoko.Mukuru wesangano iri, Muzvare Libby Foster, anoti pane mukaha mukuru pakati pevanorarama vasinganzwi nevanonzwa munyaya yedzidziso yezvekuparadzirwa kunoitwa utachiona hweHIV nedenda reAIDS.

“Vanhu vane dambudziko rekusanzwa vachiri kumashure nezvenyaya yechirwere ichi, kuti chinoparadzirwa sei. Vamwe vacho havasati vava kutomboziva nezvacho nekuti havawani dzidziso yakakwana.

“Tichiri kushanda zvakasimba kuti tive nenzira dzekuvadzidzisa kuti vakasike kuziva nezvechirwere nekuti vamwe vacho vanowira mudenda iri nekusaziva. SeNzeve, tiri kudzidzisa zvakare vana vechikoro kubva paECD, kunyanya matauriro avanofanira kuita uye tiri kubva tavafundisa nezvechirwere ichi vachiri vadiki kuti vakure vaine ruzivo rwakakwana,” anodaro Muzvare Foster.

Anoti vane chishuwo chekubatana nemasangano akaita seNational AIDS Council (NAC) mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS.

“Vanhu vasinganzwi vane madzidzisirwo avo akasiyana nezvinoitwa vanonzwa. Ivo vanoshandisa masaini (sign) saka nekuda kweizvi, seNzeve tinofanira kubatana nemasangano akaita seNAC kuti tiwirirane masaini anonzwisisika nyore apo tinenge tichivadzidzisa nezveHIV neAids,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naVaAlbert Kangundu, vanova economic strengthening officer musangano iri, vachiti vari kudzidzisa vechidiki mabasa emawoko akaita sekuvaka.

“Vazhinji vasinganzwi vanongosiiwa nevabereki vavo voshaya anovakurudzira kuenda kuchikoro zvinozoita kuti vasave neruzivo chero rwekuita mabasa emawoko chaiwo ekuti vakwanise kuzoriritira mhuri dzavo pamwe nekuzvichengeta. Sesangano, takaona zvakakosha kuti vechidiki vauye pano tichivadzidzisa zvakasiyana-siyana, kunyanya mabasa emaoko,” vanodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *