Nzou nemapurisa dhuma!

Given Siakanoka ari kuKARIBA —
KARIBA inzvimbo inozivikanwa zvikuru nekuwanda kwemhuka dzesango senzou, shumba nenyati idzo dzinogara dzichishungurudza vagari veko. Kunyangwe mapurisa anoshandira mumugwagwa vachiona mafambiro akanaka evatyairi vedzimota vari kusangana nedambudziko renzou.

Imwe nzvimbo iyo mapurisa ari kuoneswa ndondo nenzou ndeiri pachiteshi cheCarribean Bay, pamungwagwa unobva kurukisheni rweNyamhunga uchienda kuMahombekombe nekuHeights.

Nguva nenguva mapurisa paanoenda panzvimbo iyi – iyo iri pedyo negomo guru uye kumavirira kuine mvura yoga-yoga yedhamu reKariba – mutumba wenzou unobva wauya pavanenge vachishandira. Nzou iyi inobva nemugomo iri, youya yakananga panenge paine mapurisa ari paroadblock izvo zvinoita kuti vatize neupenyu hwavo.

Zvakadai, mapurisa anoshandira panzvimbo iyi akasvika pakutama nekuda kwenzou inouyapo uye pari zvino vave kuita roadblock pamberi pezvitoro murukisheni rweNyamhunga.

Vatyairi vedzimotokari nevamwe veruzhinji vave kushuvira kuti kudai nzou iyi yauya zvakare kurukisheni urwu kuitira kuti itadzise mapurisa aya kushanda zvakanaka. Mutauriri wemapurisa kuMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara vanoti nzou dzawanda zvikuru kuKariba, idzo dzinogara dzichishungurudza vagari veko.

“Ichokwadi mhuka dzesangano dzinosanganisira nzou dzakawanda zvikuru kuKariba. Asi nyaya yekuti mapurisa akatama pavaishandira nekuda kwenzou inoda nguva kuti tiongorore chaizvo zvinonzi zvakaitika. Tiri kushanda pamwe chete nevebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority mukupa chenjedzo kune veruzhinji kuti vafambe kwakachena kuitira kuti vasasangane nenjodzi yekurwiswa nemhuka dzesango,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *