Nzwisiso yemepu

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tichaongorora mepu.

Kana uri mudzidzi wefomu yekutanga kusvika yechina, wakasununguka kupinda mumakwikwi aya kuburikidza nekutumira mhinduro dzako uchipindura mibvunzo iri pazasi apa.

Unofanira kuisa zita rako rizere, chikoro chaunodzidza, fomu yauri nenzvimbo yaunogara panhare dzeKwayedza dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 kana email inoti [email protected]

Anopindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka kaviri kakatevedzana pamwedzi achawana mubairo webhuku idzva rekuverenga rinonzi “Imbwa Yemunhu” rakanyorwa neshasha Ignatius T. Mabasa.

Ongorora mepu iri pazasi apa ugopindura mibvunzo inotevera.

Zimbabwe Shongarunako

Mepu iyi inotsanangura zvakawanda maererano nenhaka pamwe chete neupfumi hwezvimwe zviwanikwa zvemuZimbabwe. Dzimwe nzvimbo dzine mukurumbira munyika dziri kuburitswawo pamepu apa dzichimirira humwe hupfumi hunowanikwa madziri.

Mibvunzo yenzwisiso:

  1. Mepu iyi ndeyenyika ipi? [1]
  2. Guta guru renyika yacho rinonzii? [2]
  3. Doma nzvimbo ina chete dzabuda pamepu dzinochengeterwa mhuka. [2]
  4. Doma mazita mana enyika dzabuda dzakakomberedza nyika iri pamepu. [2]
  5. Zvivakwa zveGreat Zimbabwe National Monuments zvinowanikwa muguta ripi raburitswa pamepu? [1]
  6. Munzvimbo yeVictoria Falls mune chiwanikwa chipi chakasikwa naMwari chine mukurumbira pasi rose? [2]
  7. Nyika inobatsirikana nenzira dzipi kubva kuchiwanikwa ichi? [2]
  8. Gomo reNyangani rakareba zvinhambwe zvingani kubva pasi richienda mudenga? [1]
  9. Binga iri pedyo nerwizi rune mukurumbira runonzi chii? [2]
  10. Doma nzvimbo huru inochengeterwa mhuka inowanikwa kumadokero kwenyika. [1]
  11. Nzvimbo yeMatobo yakakosherei kuzvizvarwa zvenyika? [2]
  12. Nderipi guta guru renyika imwe chete yakakomberedza nyika iri pamepu raburitswa? [1]
  13. Kubva pamepu, Mt Selinda inzvimbo inowanikwa munyika ipi? [1]
  14. Zvii zvingaitwa nenyika iri pamepu kuchengetedza mhuka dzesango? [2]
  15. Nyora pfupiso yemepu iyi nemazwi asingapfuuri makumi mashanu. [10]

Mhinduro dzenyu dzese dzamunotumira tinodziburitsa svondo rinouya pamwe chete nemhinduro dzinenge dzichitarisirwa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *