O-LEVEL ― RUKUVHUTE

Detembo rekuraira

Munyaradzi Gunduza
SARUDZA nhetembo imwe chete iri muna Rukuvhute yawakayemura. Zvino chijekesa zvawakayemura zvacho pamwe nezvidavado zvakashandiswa mairi.

Nhetembo yandakafarira inonzi Tete ndoenda. Nhetembo iyi ine dingindira rekurayira.

Ndinofarira nyanduri nekuti anobudira tete vake pachena kuti ave kuda kunogara nemurume atangewo yake imba sepaanoti, “Tete ndoenda, ndafunga kurukaka ndinotangawo yangu imba.”

Ndinoyemura detembo iri nekuti tete vanyanduri vanomurambidza vachida kunyatsonzwisisa kuti sei afunga zvekuenda kumurume sepavanoti, “Asi chimbondipindurawoka mibvunzo mishoma-shoma . . .”

Nhetembo iyi ndinoiyemura nekuti tete vanyanduri vanomubvunza mibvunzo yakakosha asati aenda kunotamba imba yake sepavanoti, “Une chokwadi here kuti murume wacho anokuda?”

Chinondifadza munhetembo iyi ndechekuti nyanduri ane chokwadi chose chekuti murume waanoda kuroorwa naye anomuda sepaanoti, “Tete izvozvo musambotya. Farai anondida chose.”

Chandinoyemura mudetembo iri imbatya neshangu dzakanaka zvinopihwa nyanduri nemukomana wake sepanonzi, “Mazuva ese apera aindipa twakawanda-wanda. Hembe dzetererini uye shangu dziya dzemaposa.”

Ndinoyemura dzidziso inopihwa nyanduri natete vake asati aenda kumurume yekuti hazvisi zvose zvinoitwa nemunhu zvakafanana nekutengerwa mbatya zvinoratidza kuti anokuda sepanonzi, “Hauzivi kuti zino irema? Usapofomara mwanasikana!”

Tinopedzisa mhinduro yemubvunzo uno svondo rinotevera.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *