Akatorerwa murume zvose nemagejo

Tatenda Shuro
MUDZIMAI wemuHarare ari kuchema-chema kuti mukadzi anova nyachide pabarika ravari akamutorera murume zvose nemidziyo yake ndokumusiya ave pamhene.

Milcah Mudiridza akamhan’arira Davison Majachani naSibusisiwe kana kuti Amai Nokhu kuHarare Civil Court.

“Mambo wangu, kune imba yatinayo kuBuhera saka ini ndinogara kuno kuHarare. Amai Nokhu ava mukadzi wechipiri wemurume wangu waakaita ndisingazive. Akaenda kumba ikoko kuBuhera ndokutanga kutengesa zvinhu zvangu uye akanditorera zvinhu zvose,” anodaro Mudiridza.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakaenda kwasabhuku mushure mazvo asi vakati vaita mudiki panyaya iyi ndokuenda kwamambo asi murume wangu akaramba kuendako ndosaka ndauya kuno. Iko zvino vave kuda kutengesa sitendi yedu iri kuSouthlea Park saka ndinokumbirisawo vamiswe.”

Mudiridza anoti Sibusisiwe akatorawo mimwe midziyo yake ndokuenda nayo kumba kwake. “Kutaura kuno vakatora mabhara, magejo nemimwe midziyo yangu kuendesa kumba kwavo saka ndaizokumbirawo ndinotora zvinhu zvangu nokuti vaviri ava vandishaisa rugare,” anodaro.

Majachani naSibusisiwe havana kuenda kudare kuti vanopawo mativi avo.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mudiridza gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *