Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 20 (Nyaya yacho: Enderero mberi):
Shamwari yaTimoti, Naison Gomo, inotora Monika ichinomuratidza kumba kwaTimoti, murukisheni rweMbare uyo anomutaurira zvose zvakanga zvaitika achimuchengeta sehanzvadzi yake kwesvondo mbiri achimutsvagira basa sezvo aida kumbosevenza-sevenza. Anozowanirwa basa pane imwe nzvimbo yairerwa pwere, munguva inopedza vanhu kukohwa ndokusununguka mwanakomana waanotumidza zita rokuti Timoti.
Ati gare garei pabasa mumoyo make munotanga kushungurudzika nechido chekuda kuenda kumusha. Pfungwa iyi inoramba ichikura maari kusvikira nguva yokuti haaikwanisa kugara asina kufunga kumusha kana vanhu vacho kunyangwe zvazvo aive neshamwari, hadzaigona kudzimaidza kutambudzika uku. Afungisisa zvakadzama-dzama nenhau iyi, anozonyorera Tendai tsamba achimutaurira zvaaifunga kuti ndizvo zviri kumusha.
Anosimbisisa nyaya yeruregerero oti chinhu chakanaka kuti ataurire mumwe kana vamwe zvinomunetsa nekuti akaramba akanyarara zvinomudya moyo. Anotaurira mukoma wake kuti kupera kwemwedzi iwoyo ainge achisvikako kumusha nekudaro vakafanira kuzomumirira pachiteshi. Apo Monika anosvika pachiteshi chokuChivhu anowana pasina akamumirira ndokubva afunga kuti zvimwe Tendai ari kubasa. Paanosvikako, anoudzwa kuti Tendai ainge abuda basa apo baba vake vainge vafa ndokupererwa nesimba.
Kudoedza kubvunza mukomana aishanda mubindu anoudzwa kuti baba vake vakanhongwa vatove mapfupa ayo akatakurwa musaga.
Monika anobva adzoka kuchiteshi kunomirira bhazi rekumusha ndokurega kuenda netsoka nekuti aive ane zvakawanda zvaainge akatakura uyewo aive nemwana kumusana.
Ainge atenga mudhebhe nebhutsu zvababa vake, jazi rechando nehembe yekodhuro pamwe negumbeze guru nemarokwe maviri zvaamai.
Nechokuno Tendai ainge aona tsamba yaMonika iyo yakamuchemedza zvikuru. Anotadza kumumirira kuchiteshi nekuti hapana anosara naamai avo vanoda kugara vakachengetedzwa semunhu anongobvotomoka savasina pfungwa, anongoti padyira ndipo paanorasira, vasingazivi hembe yokupfeka.
Musi unosvika Monika, Tendai ainge achangobva kunotora amai vake kwavakange vadeedzerwa vachingopengereka. Apo anongoona Monika, anobva atanga kuhwihwidza kwava kubata amai vake ruwoko achivapinza mumba yavo yokurara ndokuvapfigiramo. Mukoma nemunin’ina vanosangana ndokugumbatirana vachichema zvikuru.
Vapedza chinguva vanobatana Tendai ndokuti vachienda kumba achimutaurira kuti afambira nhamo yega-yega. Amai vake vari mumba, ko vachiri amai here? Monika anobvunza kuti zvakaita sei Tendai haapinduri.
Pavanopfuura imba yaamai vavo, vanovanzwa vachitaura nezvemombe dziya. Monika ndokubvunza kuti ndiani ari kutaura ndokuudzwa kuti ndiamai vari kutaura voga.
Monika haazvibvumi asi apo anoona pamba pakakiyiwa anobva anyarara ndokuona inga ndiamai vari kutaura. Achiona zvese izvi, moyo wake unorwadza, kumeso kwake ndokutibikira nerima kwava kupunzikira pasi Tendai ndokumugamha.
Tendai anomuudza kuti auya kumatongo, kunyangwe zvake auya zuva rodoka, ngaasimbe naye. Nemisodzi padama, anonanaidza munin’ina wake kumuendesa mumba umo anosvikomuradzika.
Monika arara, Tendai anofanokurunga bota rekuti azomupa kana amuka. Ndipo apo aizomutaurira zvose zvakasara zvichiitika pamusha pavo. Ndipo panoperera sarungano.
Ongororo svondo rinouya.



