Munyaradzi Gunduza
MUSEVE USINGAPOTSI
Madingindira (Tinoenderera mberi). Hondo inokokwa naPondai inokonzera rufu rwaGutsa naMarizani naMambo Chakaingesu, ivo vachizouraiwawo naPondai. Dingindira rehondo rinozadziswa naKaringe anorwisana naMambo Tineshungu achivavarira kudzora hanzvadzi dzake dzavakanga vatapa zvakakonzera rufu rwavo.
Rimwe dingindira ratinowana mubhuku iri nderetsividzo.
Rinozadziswa naPondai akatsvagira Mambo Chakaingesu hondo yaMambo Mupambi kuti ivaparadze kutsividza kuramba kwavakanga vaita kumusiira umambo vachida kuhupa Karinge. Nyaya yetsividzo inozadziswa naKaringe anouraya Pondai naMambo Mupambi nekuti vakanga vatapa hanzvadzi dzake, kuuraya nekupamba umambo hwababa vake.
Muna Museve Usingapotse mune dingindira reruchiva. Dingindira iri rinozadziswa naPondai anochiva umambo hwaMambo Chakaingesu.
Izvi zvinoita kuti apotere kwaMambo Mupambi kunotsvaga rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu kuti agosara achibvuta umambo vafa.
Nyaya yeruchiva inoonekwa naMambo Tineshungu vanotapa hanzvadzi dzaKaringe zvinoita kuti azoronga hondo yekuvauraya.
Tinopfuurira mberi svondo rinouya.
(Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.)
Mubvunzo nemhinduro
yesvondo rakapera
2. Alex Chirumbwana anofarira kuyemura upenyu hwezvisikwa nemararamiro azvo.
Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake ina dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]
Mubvunzo uri kuda nhetembo ina (4) dzaAlex Chirumbwana dzinotaura pamusoro peupenyu hwezvisikwa nemararamiro azvo.
Tangai nekudoma yemuro inoburitswa mudetembo rega rega mozopa tsigiro.
Nhetembo dzacho ndeidzi; Dai ndiri kamba, Rwaivhi, Dai ndiri shiri zvangu naRwizi.
Mudetembo Dai Ndiri Kamba, nyanduri anoyemura kamba nekuti yakangwara kupfuura zvimwe zvipuka sepaanoti, “Une uchenjeri husina ani nani.” Nyanduri anoyemura kamba nekuti inofamba zvisina ruzha sezvimwe zvipuka sepaanoti, “Paunofamba unoyevedza nekuti hauna mutsindo sedzimwe mhuka.” Nyanduri anoyemura mutumbi wakamba nekuti unopenya sepaanoti, “Imba yako ndinoida nekuti inohwinya sendarama yemumugodhi.”
Muna Rwaivhi, nyanduri anoyemura rwaivhi nekuti rwune mavara akawandisa sepaanoti, “Dai ndiri rwaivhi akashongedzwa namazana akazanirana ezvipfeko.”
Nyanduri anoyemura zvinoita rwaivhi zvekushandura-shandura ruvara rweganda sepaanoti, “Zvipfeko unongochinja ipi nguva uchitora zvimwe.”
Nyanduri anoyemura rwaivhi nekuti rwunotsika muvhu zvinyoronyoro zvisina ruzha sepaanoti, “Paunotsika ivhu rinokufarira nekuti haurivhundutsiri nemutsindo.”
Mudetembo retatu rinonzi Dai ndiri shiri zvangu, nyanduri anoyemura mabhururukiro anoita shiri ichienda mudenga-denga sepaanoti, “Inobhururuka yakananga kumusorosoro kumafuramhepo pedyo naMwari.”
Nyanduri anoyemura shiri nekuti yakangwara sepaanoti, “Dai ndiri iwe shiri muchenjeri.”
Nyanduri anoyemura shiri nekuti pazvisikwa zvese ndiyo yakagona kubhururuka sepaanoti, “Zvimwe zvisikwa hazvigoni kubhururuka sezvaunoita iwe shiri wakaoma.”
Mudetembo Rwizi, nyanduri anoburitsa rwizi achiyemura matambiro edzimwe mhuka dzemumvura dzichiita zvekugarana sepaanoti, “Ndanga ndakayeva Mvuu, Garwe, Kamba, Hove naDatya vachitamba vachigarirana padumbu.” Gakanje nevamwe vake vanaMvuu, Garwe, Hove, Kamba naDatya vari kuyemura Rwizi anovapa pekutambira sepavanoti, “VaRwizi hewo maoko enyu.”
Datya richimhan’arira Gakanje kuna Rwizi nekuti rinomboenda kunze kwemvura sepaanoti, “Ndigakanje anopota achigara kunze kwerwizi.”
Tangai kuita mubvunzo unotevera:
3. Sarudza nhetembo mbiri kubva muna Shoko Harivhikwi dzine dingindira rimwe chete asi dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana. Zvino chiratidza fanano nesiyano yadzo wakanangana nezvinotevera: (i) zvadzinoreva (ii) mashandisirwo ezvidavado.
Ndinokupai mhinduro yacho svondo rinouya.
(Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level Revised Edition.)




