A-Level – Masimba…Sidubi Mafu anosvika

Ticha Tichaziva

“KUROORERA KURE”

naElizabeth Jackson (69-71)

Nyaya yacho (Enderero mberi):

Vaviri ava havasi kufadzwa nekufa kwemwana wavo, amai vemwanakomana ndokunzwikwa vava kutuka MaDhuve. Baba vanofunga zvekuti vatsvage mari vaende Bulawayo kunotora vabereki vavo varipo sezvo vakarega kudai, vanin’ina vavo vanongonyararawo.

Mudzimai haabvumirani nazvo achiti MaDhuve haamuzive, zvinhu zvakasiiwa ndezvengozi, muridzi achazvirwira ega izvo VaSaizi vanobvumirana nazvo. Gare gare vanhu vanozobatwa nehope ndokurara.

ONGORORO

Kanyaya aka kanotsigira zvikuru pfungwa yagara iri muvanhu vatema iyo inoburitswa netsumo dzinoti:

(i) Roora mwana wababa vane dongo.

(ii) Kuroora, roorera vematongo

Tsanangudzo yetsumo idzi inoti itsika yakanaka kuti munhu aroore kumhuri yaanoziva magariro ayo. Kana pazoitika zvinonetsa, zvinoita kuti munhu ugone kubatsirana navanatezvara mukuedza kugadziridza zvinenge zvanetsa kana kuti zvinenge zvazowira mhuri yake.

Dai Matigimu ainge aroora imwe yemhandara dzainge dziri “gumi nefararira” (70) imo maMutoko angadai akagara zvakanaka. Zvino zvinonzi MaDhuve wekuBulawayo kure kure uko kubva kwaMutoko waainge aroora handiti zvakanzi akatomurongera vanhu kuti vamurove. Pamusoro pezvo arega basa mukadzi uyu akambomukandira nhumbi achimuti abve. Zvino zvinhu zvanetsa ndosaka VaSaizi vava kuita sevari kudetemba vadzimu vavo kuti vaone kugadziridza zviri kunetsa zvacho sezvo MaDhuwe uyu ari “chikerema chaicho” (71). VaSaizi vanoti, “Vadzimu vari kuuzuru ndivo vacharwira vana” (71) nekuti ivo havangazvigoni.

Zvirungamutauro zvirimo hazvo zvishoma. Tinobva tati tichingotanga kuverenga kanyaya aka tobva tasangana nehudimikira hunotiudza kuti mumba maive naVaSaizi nemudzimai wavo mainge mune rimi romoto apo zvinodimikirwa zvichinzi, “Moto wenzeve dzetsuro” (69) waibvira. VaMarungweni vainge vakavengana kwazvo nemakonzo sezvo aiva munhu “akarimirana kumuganhu namakonzo” (69).

Kudimikira kwetatu kunotiratidza kuti VaMarungweni vakarwadziwa zvakaita sei apo mwanakomana wavo Matigimu akafa. Vanoti, “Kundibaya panyama nhete kudaro?” (71). Kurwadziwa uku zvakare kunoratidzwa nekushandiswa kweenzaniso apo vanenge vachituka munhu asipo. Tinovanzwa vachiti iro Madhuve richafa rakanyenama “sembwa” (71).

Dzimwe enzaniso tinosanganawo nadzo dzichitiratidza maitikiro ezvinhu. VaSaizi nemudzimai wavo, vane katsi yavo yaive mumba umu iyo yainge yakazvipeta “kunge hata” (69). Apo murume uyu anenge achikurukura nemudzimai wake, amai vemwana vanomuudza nezvainge zvataurwa nen’anga ina dzaive dzisiri dzemudunhu mavo, murume mukuru anoramba akanyarara achiita “sokunge vaiona chimwe chinhu” (70).

“KUGONA MBAVHA HUIRONGA” naWinnie Zulu (73-78)

Nyaya yacho:
Sidubi Mafu anosvika nemabhazi musi weChishanu manheru mangwana acho zuva rati kwirei, muvakidzani wake Magazi Thebe anomubvakachira. Vapedza kukwazisana, svutugadzike inounzwa, Magazi shavi rake rokunwa putugadzike ndokubuda. Svutugadzike inooneswa nhamo tiipoti ikaoneswa nhamo nekuzunguzwa achidira adirazve.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×