Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Lily anonzwa kunyara kuenda pabarika achigara achichema mazuva ose pamwe achitoramba kudya. lvo mai Sarudzai naMai Chipunza vaigara vachimureva nguva dzose. Chaifadza Lily ndechekuti Mugadzi aimuda.
ONGORORO:
Kudimikira ndiko kwatinoona kuchishandiswa zvebasa. Apo mudzimai waMugadzi anenge achitaura nemudzimai waChipunza maererano nekuita kwevarume, tinonzwa Mai Chipunza vachiti apo vanotaura nezvekuita kwaMugadzi, “kuti sekuru inyoka inorumira muvhu” (56). Mudzimai uyu anofara chaizvo kuti kusawirirana pakati paSekai nemurume kuenderere mberi izvo tinonzwa zvichinzi chikwee chaMai Chipunza chaiva “chekukuchidzira moto waive watobvira wega” (57).
Mumba maSekai naMugadzi hamusi kudyiwa rinopisa. Vanhu havasi kutaudzana pavanozomuka musi waitevera zvinhu zvinoramba zvichienderea mberi saizvozvo kana kuti, “ramangwana ngoma yakamuka iri imweyo” (60). Mugadzi ari kuzvifunga mumusoro make, anozviona seakatambisa nguva yake kupfimba chembere yakaita saSekai achisiya vana vakatsvinda, “vanosvinwa mukaka uchibuda pamhino,” vana vaiziva kupakura mufaro kwaari.
Vana vabuda vaenda kuchikoro, Sekai anofunga nezverwendo rwake oga pasina anoziva izvo zvinodimikirwa zvichinzi “fungira mumwoyo rwendo rwembwa” (61). Apo Sekai anenge achikurukura natete vanomuudza kuti nerimwe zuva vakambomuyambira vachiti akanyengerera munhu “anopinda nemwenje mudziva” (62).
Zuva iro Sekai anonwa hwahwa murume anozvinzwa kuti ndizvo zvaaita munhu ndokuenda mumba kunoverenga mari asi mwoyo wake wainge “wasviba” (64). Lily munhukadzi anotsanangurwa achinzi zvose zvaaiudzwa nababa vake ainge asingazvitereri izvo zvinonzi, “zvaipinda neimwe nzeve zvichibuda neimwe” (67).
Nekufamba kwenguva, Mugadzi achifambidzana naLily, inozosvika iyo nguva kuti Lily anenge asisina kumira zvakanaka kana kuti “akadzimara akatsika mwedzi” (67).
Ambuya vaMugadzi apo vanozvinzwa havafari nazvo sezvo vaiziva kuti muzukuru wavo ainge azvipinza mumatambudziko mahombe kana kuti “aive azvisikira moto muziso” (68).
Lily aiva ava kugara pamba paMugadzi, ndipo apo anoziva kuti akange atambwa yakapenga kana kuti “aive atambwa tsvina” (69).
Pamba apa basa raingove rekugara achirehwa naSekai naMai Chipunza izvo zvinonzi “kuseurwa gotsi navahosi neshamwari yavo Mai Chipunza” (69).
Kutanga kanhu kadiki zvinokoromora zvihombe mberi. Izvi ndizvo zvinoitwa naSekai apo anotanga kunwa hwahwa.
Anotanga nekunwa girazi rimwe chete asi girazi rimwe chete rinozokoromora mamwe munhu akazogumisira anwa mapaindi matatu. Ndokusaka munyori achishandisa tsumo anoti, “Tsvaru akazvara tivu” (69).
Tete vaSekai vanomuyambira vachimupa mazano matatu ekuti ashandise muupenyu hwake. Zano ravanotanga nderokuti anofanira kutanga adzidza kudhakwa kwaMugadzi.
Repiri nderokuti anofanira kutora mari musi waanenge akararadza. Retatu nderekuti apengesane naRobby orega kuvati tete asi kuti Lydia.
(Enderero mberi svondo rinouya.)



