O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Mugadzi anofunga zvekuramba Sekai

Chitsauko 2 (Ongororo: Enderero mberi)
Apo Fadza akaona kuti shamwari yake Roddy ainge ane ruchengera, akabva ati zvekuroorwa naye haadi sezvo izvi zvaizogona kuita kuti rudo pakati pevaviri ava rwuzokasika kupera. Akaona kuti Roddy aiva neruchengera nekuti apo iye Fadza aitamba nevamwe varume, Roddy aimuona “achisunga kumeso” (36).

Mazwi ainge ataurwa naFadza akange apinda mumwoyo zvekuti aisazobuda zvekare izvo zvinodimikirwa zvichinzi “zvakadyarana pamwoyo paSekai (mai Sarudzai) zvikaita midzi yaizonetsa kutsukunura” (27).

Enzaniso dzinoshandiswa. Zvinonzi vanhurume vaiwanda pamba paFadza hazvingapokanwi nazvo kana tichinzwa kuti varume vaibva vaita “kunge nyuchi” (14) pamba apa. Iye Fadza wacho ainge akati zvekuchembera kwete, nhamba yemakore inhamba chete, achizviona “sekunge mwana mudiki” (15). Kuzivikanwa kwaaiitwa kunoenzaniswa kuchinzi, “kunge zvinonzi mukuru mukuru weZengeza yose”.

Vanhu vekunwa vaenda, Fadza anoenda kunogeza, paanopedza obva anyura mumujivha waimubata “kunge uchabvaruka” (18). Fadza achiyambira muzukuru wake achiti nekusadya chikafu mumba zviri kuitwa naMugadzi pane kwaari kukangirwa zvinomedzesa mate. Iye mai Sarudzai kudoti munhu ndiedzewo kufira kumubikira, wanike zvabikwa zvacho “unenge wabika mvura chaiyo” (24).

Sekai apo ainge achiterera zvaitaurwa natete vake, aiita sokudai akangoti zii kunyarara “kunge mwana wechikoro ari kutaurirwa zvekuita nemudzidzisi (24). Tinoona enzaniso iyi ichidzokororwa zvakare kuchisiiwa mazwi mana anopedzisa enzaniso iyi apo zvinonzi Sekai ainge odzokera kumba kwake ainge adzidza zvizhinji “kunge mwana wechikoro” (27).

Yatinopedzisira kuona ndiyo iya iri kutitsanangurira maitiro acho apo Sekai aivhura sefa mumba mavo. Anoita izvi achitya zvikuru, zvinyoronyoro “kunge aitya kubatwa” (28).

CHITSAUKO 3 (Nyaya yacho)

Mugadzi anosvika pamba pake semazuva ose achikwazisana nemhuri yake kana kumbobvunzisisa mukadzi wake change chamutadzisa kudzoka kumba usiku hwainge hwapfuura. Iye Sekai anonyepa achiti kumusha kwake kwainge kwabva tete vake vakuru. Mugadzi anoenda kunoverenga mari yavaive vawana musi uyu, Masimba ari panze achigesesa motokari.

Anomudaidza kuti amutaurire kuti anofanira kudzidzisa Sarudzai kugeza motokari, hana yaamai Sarudzai ndokurova vofunga kuti pamwe zvainge zvaonekwa apo vari kutaura nyaya yemotokari.

Pakudya kwemanheru zvinoonekwa kuti baba naamai pane zviri kuvanetsa.

Mugadzi ari kunetseka nepfungwa dzekuti oramba Sekai here, oroora mumwe mukadzi here, vana aizovaita sei, aizowana mukadzi anogona kuchengeta vana vake nenzira yaizomufadza here?

Apo ainge oenda kunorara, anobva afunga zvekunoshanyira tete vake vaigara kuMarondera kuti anopihwa mazano. Tete ava havachanyanyi kupindirana naSekai nekuda kwezviito zvake zvekuti kana kushanyira Mugadzi vaizviita nenguva iri kure. Sekai haafariri tete ava nekuti aifunga kuti vakamuvenga.

Mugadzi anofungisisa nezvechinangwa chake kwava kutaurira Masimba kuti zuva raitevera sezvo kwainge kune musangano wevemabhizimusi wainge uchida kuitwa, zuva iri aigona kumboswera zvake achitengesera pamba ipapo akazorora. Kana pane kwaanenge achida kuenda, aigona kuenda zvake. Pamwe anganonoka kubva kumusangano uyu. Kana mai Sarudzai zvainge zvakavanakira nekuti vainge vane pfungwa dzekubvisa imwe mari voenda nayo kunovhurisa bhuku raaizosiira vatete vake.

(Enderero mberi svondo rinouya)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×