Murume nemukadzi vopomerwa chipfambi

Kudakwashe Chinokuya
MUKADZI nemurume vakakandirana nyoka mhenyu mudare nenyaya yekusachengeta vana vavo vachipomerana kuita chipfambi.

Patience Hwenere akaudza dare reHarare Civil Court kuti anoda $150 kubva kuna Lovemore Kufa nekuti haasi kukwanisa kuchengeta vana vavo vaviri.

“Anotengesa zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira ‘airtime’ zvekuti anokwanisa kuwana $300 kupera kwemwedzi asi kuti achengete vana haachakwanisa nekuti ane mumwe mudzimai waari kufambidzana naye atori nepamuviri.

“Pamari iyi $150 ndinoda kubhadharira vana mari yechikoro, kutenga mayunifomu nehembe nekuti pari zvino havana kana bhutsu dzekufambisa. Imwe yacho ndodawo yekubhadhara rendi,” akadaro Hwenere.

Kufa akapikisana nemashoko aya achiti vana ndiye anochengeta uye Hwenere akatiza vana kwesvondo rose achienda kuchikomba.

“Mukadzi uyu akatiza vana kwesvondo akavatora zvakare tisina kuwirirana ndaenda kubasa. Pese apa ndini ndaichengeta vana vaari kuti handisi kuchengeta.

“Mukadzi waari kuti ndiri kufambidzana naye ndakazoti auye kuzogara pamba pangu kuti andibatsire kuchengeta vana ava.

“Zvekuti vana havana bhutsu nembatya ndezvekunyepa nekuti akasvika akangotora vana zvisina kurongeka. Nemhaka iyoyo vana vakangoenda naamai vavo vasina kurongedza zvinhu zvavo zvakakwana.

“Zvekubhadhara rendi izvo zvava zvake nekuti handingabhadharire chikomba chake rendi ini,” akadaro Kufa.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Kufa aizobhadhara $130 pamwedzi.

Related Posts

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×