O-LEVEL —NDIKO KUSASANA: Mugadzi ava nemari zhinji

CHITSAUKO 1
Mugadzi anosvika pamba pake kwava kumisa motokari ndokuona musiwo wemba wakangangadzirwa kiyi achibva aona kuti amai vaSarudzai mudzimai wake vainge vasati vadzoka. Anodzokera mumotokari make umo anosvikoverenga bepanhau zvishoma kwava kutangisa kuverenga mari iyo ainge asevenza musi uyu. Apo anopedza kuita mirwi nemirwi yemapepa, anopinza ruwoko munhava ndokukanya-kanya mavhu nemarara esirivha aivemo.

Anonzwa nungo dzekuverenga mari iyo ainge awana mubasa rake rokutengesa zvinwiwa netwokudyira-dyira munhandare dzomaindasitiri. Basa rake iri rainge ragona kumuita kuti atenge imba yakanaka kwazvo kuMarimba, muHarare, motokari nechitoro icho chaive chisati chatanga kushanda icho ainge avakisa kumusha kuGokwe. Ainge ave huzu chaiyo.

Mhuri yake yaiti Sarudzai naCharles.

Musi uyu ainge aita mari nekuti zvikwata zviviri zvinoti Dynamos neKarls United zvainge zvichikwikwidzana munhandare yeGwanzura nekudaro vanhu vakawanda vainge vauya kuzoona mutambo uyu. Ari mumotokari make achifungisisisa anonzwa shangu kuti tywaka tywaka kumashure ndokuita seavhundutswa. Uyu aive muzukuru wake, vanomhoresana ndokumboita zvavo zvejee maererano nemari ndokuzotaura nezvenhabvu.

Zuva iri Dynamos yainge yarohwa netubozwa tutatu ikadzorera kamwe chete. Varume vaviri avo vanotanga kunwa hwahwa vachikurukura nyaya dzenhabvu Mugadzi achifara kuti ainge ahwina kubheja kwaainge aita naTapera kwava kuzotuma Chipunza muzukuru wake kuti apfuure achitaurirana naTapera kuti auye nemadhora gumi ayo ainge ahwina agonwa hwahwa.

Masimba, uyo aiita basa rokufamba nebhasikoro achitengesa mumarukisheni, anobva apihwa basa rekutengesera vanhu avo vainge vowanda vachida kutenga zvinhu zvakaita sechingwa nemabhodhoro ezvinwiwa achiratidza kuti anoziva basa rake. Vanhu vaitenga vanopera, Masimba anotarisa musiwo wemba ndokuona pakakiyiwa kwava kubvunza Mugadzi kuti amai vainge vasati vadzoka here, ndokuudzwa kuti vainge vasati uyewo vainge vasina kusiya makiyi.

Masimba anoti vanosiwanzosiira mudzimai waChipunza kana vachifungira kuti Mugadzi angangononoka kudzoka, Mugadzi ndokumuti amhanyeko anotarisa. Tinotanga kuudzwa nezveukama hwaMugadzi nemuzukuru wake Chipunza nezvekuwirirana kwemadzimai avo.

Amai vaSarudzai musi uyu vainge vaenda kwatete vavo kuZengeza nevana vose sezvo pamba paizoswera pasina munhu vasiya makiyi epamba kwaChipunza nemukadzi wake. Mushure mekanguva, Masimba anodzoka akabata makiyi muruoko. Masimba anofunga zvekuti mari yaainge ashanda ibve yaverengwawo Mugadzi ndokuona kuti vainge vabata mari yaikwana kuita mazana maviri emadhora musi uyu.

Mugadzi anoyeva mari yose iyi, murume achiputa mudzanga wefodya kwava kutanga kunyora-nyora achishandisa kamuchina kokuverengesa masvomho, kwava kuzoisa mari iyi muzisefa guru.

Pamusuwo panobva pagogodzwa, chikafu chinonhuwirira chagadzirwa vanhu ndokugeza mawoko ndokutanga kurwisana nacho.

Ndipo panozopinzwawo nyaya yekuti Masimba aida kuzoroora rinhiko iye ndokuti haasati amuwana wekuroora.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×