Oda kudzika mukadzi demo

Lizzy Mushoriwa
MUDZIMAI wekuEpworth, muHarare, anoti ari kushushikana zvikuru nemaitiro emurume wake ekudzokerana nemukadzi waakambenge arambana naye, izvo zvave kuita kuti vagare vakatsvukisirana maziso uye anomudzingirira achida kumutema nedemo.

Josline Mushayahande akamhan’arira murume wake, William Mutongo, kudare reHarare Civil Court.
“Changamire, ndauyawo kuno nekuti ndanetsekana, baba ava vanondishungurudza zvekuti handisisna mufaro. Takawanana muna 2007 mushure mekunge varamba mukadzi wavo wekutanga asi iye zvino vave kudzokera kwaari zvekuti kumba havachauya uye kunetsana kwanyanya,” anodaro Mushayahande.

Anoti zvakare Mutongo ane tsika yekumurova nezvinhu zvinokuvadza. “Ndinorohwa nezvinhu zvinokuvadza, kutemwa nematombo nemapanga uye vanondimhanyisa nedemo vachiti vanoda kundiuraya. Izvi zviri kukanganisa vana kuchikoro vatove madofo chaiwo.  Tinogara kuEpworth uye ivo nemukadzi wavo mukuru vave kuronga kutengesa imba yatinogara,” anodaro Mushayahande.

Mutongo anopikisana nechikumbiro chemukadzi wake achiti akabva pamba mushure mekunge arohwa zvakaipisisa nehanzvadzi yake ichimukutsirana nemuzukuru wake.  “Ndinopikisana nechikumbiro chake, kubva kwandakaita pamba ndaida kupondwa nehanzvadzi yake nemumwe muzukuru wake vakandirova zvakaipisisa. Handimurove ini, ipapo pandakarohwa ndakaenda kuna tezvara kuti tigadziriswe asi iye akaramba kuuya,” anodaro Matongo.

Mutongi Larzin Ncube akapa Mushayahande gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *