‘Pastor natete mapunza imba yangu’

Gamuchirai Muzanenhamu
TETE vekupomerwa kupunza imba yemuroora mushure mekunge vatorana nehanzvadzi yavo ndokuenda kumba kwamufundisi uko vanonzi vakasvikoudzwa kuti vana vemudzimai wake havazi vake vakazomiswa mudare redzimhosva.

Muchadzoka Mavushe akaendesa tete vake Miriam Mhukahuru, uyo anova hanzvadzi yemurume wake, kudare reHarare Civil Court achida kuti amiswe kupindira munyaya dzake nemurume wake. “Atete vangu vakauya mumba mangu vachibva kumba kwavo vachiti vanoda pekurara sezvo vaida kuenda kwapastor wavo nemurume wangu. Vakaramba kuenda neni vachiti ndezvemumhuri mavo. Asi vakazodzoka murume wangu ave kuti akaudzwa kuti vana vedu havasi vake, ndine zvikomba uye ndipo pakabva patangira mhirizhonga mumba mangu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti akaudza murume wake kuti anoda kuti vadzokere vose kwamufundisi ikoko asi akaramba. “Chiri kundirwadza ndechekuti murume wangu ndakamuti tidzokere tose kwapastor ava kuti vataure ndichinzwawo uye ndichibvunza mibvunzo yangu asi akaramba. Zvino panzvimbo yekuti tete vatiyananise, vari kutobatsirawo hanzvadzi yavo kuburitsa zvinhu zvangu mumba vachida kundidzinga uye vachindituka mashoko asina kufanira,” anodaro Mavushe.

Mutongi Larzin Ncube akapa Mavushe gwaro redziviriro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×