Oda kuita amai mukadzi

MWANAKOMANA wekupinda nemwenje mudziva ndokuudza amai vakamutumbura kuti kana vakadzinga mudzimai wake pamba achasara achivaita mukadzi obva azviuraya pamwe chete nevana vake akamiswa mudare redzimhosva.Chipo Nyanhongo akaendesa Enock Nyanhongo kuHarare Civil Court achiti: “Mwana uyu andishungurudza zvekuti ndinoshaya kuti apindwa neyi. Anondiudza mashoko asingakodzeri kuudzwa amai nemwana.

“Akarambana nemukadzi wake achidzoka kanodarika kashanu vachinetsana zvinova zvaishungurudza kana neni nekuti vaigara pamba pangu. Paakandiudza kuti mukadzi wake iyeye ava kudzoka zvakare pamba, ndakamuti chigara watsvaga kwekunogara zvako nekuti handichazvigoni. Ndipo pakatangira nyaya yose yandiunza kuno kudare.”

Akati Enock akatanga kugara achimutukirira achiti abve pamba apa nekuti ndepababa vake.

“Akandiudza kuti kana ndikamurambidza kuunza mukadzi wake “pano pamba, ndimi munenge mava mukadzi wangu kana kuti monditsvagira mukadzi nekuti ndiye wandinoda”. Akati ndikaramba ndichimudzinga anourauya vana vake iye ozozviuraya zvakare.

“Chikumbiro changu ndechekuti amire kundituka uye kuti agare asuduruka zvake pamba pangu nekuti achandiparira zvimwe nemaitiro aari kuita aya,” vakadaro amai ava.

Enock haana kupikisana nezvaitaurwa naamai vake.

“Handina chandinoramba nekuti ndinozviita nekuda kwehasha, nekudhakwa.

‘‘Asi mukadzi wangu ndichiri kumuda zvisinei nekuti tinombotadza kuwirirana. Panyaya yekubva pamba ndanga ndichitokumbirawo nekuti pari zvino zvinhu zvakasunga, mari iri kunetsa.

“Dai zvaibvira ndambopihwa kanguva kekuti ndimhanye-mhanye kutsvaga zvekuita kuti ndiwane mari yekubhadhara rendi nezvimwewo,” akadaro Enock.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Chipo gwaro rerunyararo ndokuti kana achida kuti Enock adzingwe pamba pake, anofanira kuenda kune matare anoona nezvenyaya dzakadai.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *