NYAYA yekubvunza murume chikonzero chakaita kuti adzoke kumba munguva yehusiku yakaparira mumwe mukadzi wekuChitungwiza zvichitevera kurohwa kwaakaitwa kunge nyoka yapinda mumba.Jullia Dzenga (36) wepanhamba 3705 Unit F, akazvindikitwa naTsaurai Chatambudza (37) mushure mekunge amubvunza kuti sei akadzoka kumba husiku.
Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Blessing Murwisi, akatemera Chatambudza chirango chekubvisa faindi ye$50 uye kukundikana kwake aizonodya refovhoro kwemwedzi wose.
Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nemusi wa20 Kubvumbi gore rino, Dzenga akanetsana nemurume wake mushure mekunge anonoka kudzoka kumba zvikaita kuti arohwe muviri wose nezvibhakera uye kukaviwa nemakumbo.




