Janet Chikotosa
MUKADZI wekuendeswa kudare achinzi aida kuzviuraya pamwe chete nemwana nekuda kweshanje akati murume wake akamuzadza chirwere chemukondombera mushure mezvo ndokuzomutiza achimusiya nemwana mucheche.
Shorai Maja akamhan’arira Evernice Chikumbu kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.
Maja akaudza mutongi wedare iri Babra Mateko kuti: “Vakuru, ndinokumbirawo gwaro redziviriro kubva kumudzimai wangu uyu. Kumba hakusisina kana mufaro, ndotofara kana ndabuda mumba.
“Mudzimai wangu anotobheja kufira mumba mangu. Anotenga mushonga wekuda kuzviuraya oda zvakare kunwisa mwana achiti zviri nani tizorore nekuti murume haasi kutichengeta.”
Akati Chikumbu anogara achirwisa zvakare mukadzi wake mudiki.
“Kana achida kufa zvake ngaafe kwete kuda kuuraisa mwana asina zvaanoziva. Iye anotozviziva kuti kune mumwe mukadzi asi ndinoshaya kuti shanje dzake dziri papi.
“Kunyangwe vachigara pakasiyana nemudzimai mudiki, ndinomupawo nguva yake yakakodzera asi haagutsikane. Anoenda kumba kwemukadzi mudiki achimurwisa,” akadaro.
Chikumbu akaudza dare kuti anoda kuzviuraya nekuti Maja akatiza pamba ndokumusiya asina chekubata nemwana mucheche.
“Ini handipikisane nemashoko ari kutaurwa nemurume wangu. Ndaida kunwa mushonga pamwe chete nemwana nokuti anga anditiza mwana achine mwedzi mitatu yekuberekwa.
“Akandizadza chirwere, izvezvi nditori pamapiritsi. Zvinorwadza sei kubatidzirwa chirwere iwe wakatendeseka? Ini handiende kubasa saka akanditiza akandisiya nemwana anofunga kuti ndingararame sei?” akadaro.
Akati Maja akatora zvakare mapiritsi ake aanonwa.
“Kubuda kwaakaita achinogara kumba kwemukadzi mudiki akatora mapiritsi angu andinonwa zuva nezuva. Saka ndingararame sei pasina kunwa mushonga changamire wangu? Zvese zvekupopota izvi nekunetsana zvakazotouya mushure mekunge atora mapiritsi angu,” akadaro Chikumbu.
Mutongi Mateko akapa Maja gwaro redziviriro.




