IMBWA HAIHUKURE SADZA
KANA ukapfeka mask yehuku, hatitarisire kukuona wave kumhanya uchitandanisa hwiza sehuku nekuti hausi huku, nyangwe zvazvo chinhu chiri kumeso kwako chichiita kuti uratidzike kunge huku.
Vanhu vazhinji tinokanganwa kuti tisu vanaani kana tichinge tapinda mune dzimwe nzvimbo.
Tinokanganwa chokwadi, totanga kurarama manyepo. Zvizhinji zviri kuitika zvinondiita kuti nditye vamwe vanhu vanoti vanhu vaMwari.
Kakawanda kwazvo kandinonzwa vanhu vachinzi nemaporofita kana vafundisi, “Unofanira kunge uchirarama hupenyu hwakanaka kudarika hwauri kurarama iko zvino.”
Hachisi chokwadi kuti UNOFANIRA kunge uchirarama hupenyu hwakanaka kudarika hwauri kurarama iko zvino. Inhema, manyepo, kufoya chaiko!
Kana munhu achiti unofanira, ari kutaura kuti isu vanhu tisu tinoziva zvakatinakira, uye kuti Mwari vakaita mistake nehupenyu hwedu. Ipapa ndipo paunonzwa munhu achizvituka kana kukungura nekuda kwezviripo kana zvaari.
Mumwe anoti, “Dai ndisina kuroorwa nemurume wandiinaye.” Mumwewo achiti, “Basa rangu harisi chairo randinonyatsoda.” Mumwewo agoti, “Dai ndirini nhingi akafirwa nemurume akasara nedzimba nemota.” Mumwe anosvika pekuti, “Dai ndirini ndine kamuviri kakanaka kunge bhodhoro rechinwiwa sanhingi.”
Zvatinoda hazvipere.
Asi ungazvipedze here? Ivo vanhu ivavo, nepfungwa idzodzo dzinokuudza kuti unofanira kunge uchirarama hupenyu hwakanaka, husina misodzi, dikita neropa zvinoda kuchenjererwa. Mwari ndivo vakatisika, uye hatingavatongese nekuti vanoziva kutidarika.
Kana ukararama hupenyu hwekuti NDINOFANIRWA kuwana, kana kuve nezvakati, uchagara wakasuwa nekuti unenge usingagutsikane nezviripo. Uchagara uchigunun’unira vane zvaunochiva.
Asi chaunotadza kuona ndechekuti unenge wave kuzviona kunge wakangwara uye uchiziva zvese kudarika Mwari, zvekuti hupenyu hwako unenge wave kuhutora sekuti Mwari akakutadzira. Asi chausingaone ndechekuti Mwari akakupa chipo, uye akakunzwira nyasha.
Ichokwadi kuti Mwari anofanira kunge achitipa zvatinofanira kuwana. Asi ko dai Mwari vaingoti chese chatinoda votipa, nyika ino yaizoita sei?
Ko Mwari vakati unofanira kurangwa nekuti unonditadzira mazuva ese uye nguva dzakawanda unovati kudii? Ko iko kuzochemera zviri murongo setanyimwa ndiko kuti kudii? Tingakwire pamusoro pechuru kuti tipopotere Mwari here, kana kuti tinofanira kuti timuzivise zvatinokumbira neminyengetero?
Mwari havarasike semukanwa mahwindi majaira kutaura mabhomba. Dai Mwari vaida kutirova nekutiranga zvakafanira kana kuti zvinoenderana nekutadza kwedu, dai vazhinji vedu takafa kare kare. Asi Mwari vanotida, saka vanoramba vachitipa mimwe mikana, humwe hutano, mamwe mazuva nyangwe zvichirema.
Kune vakashandisa njere dzavo, simba ravo nedzimwe nzira kuwana zvavakanga vachida, asi hazvina kuvatapirira sezvavakanga vachifunga kuti zvichaita.
Nekuti vakazoona kuti kana uchinge wawana zvacho zvawakanga uchishaira hope, pachauya zvimwe zvitsva zvinokushaisa hope.
Saka unoramba uchingotenderera sembwa iri kuda kuruma muswe wayo. Kana kuti unofanana nembwa iri kupinimidzwa nemuswe, panzvimbo yekuti ipinimidze muswe.
Saka pazvinenge zvichiita sekuti haufanire kunzwarwo, kana kuti haufanire kunge usina murume, kunge usina mwana, kana kuti haufanire kunge wakaroorwa naWanga, Mwari havarege kuve Mwari. Izvozvo hazvitadzise zuva kubuda. Hazvireve kuti Mwari vakakumaka, nekuti havaite chikwereti nemunhu.
Usakanganwe kuti nyangwe Mwari vakarega kukuitira chimwe chinhu chaunoda nhasi uno, vakatokuitira zvikuru kwazvo muhupenyu hwako zvekuti kana zvacho zvavakakuitira zvikabviswa, hazvikwanisike kuti unge uri pauri ipapo.




