Fodya inokosha US$982,4m yatengeswa

Kingstone Mapupu

MWAKA wekutengeswa kwefodya uri kufambira mberi zvakanaka apo varimi vatengesa makgs 292, 501,135 ayo anokosha US$982, 445, 253 kusvika pari zvino.

Magwaro kubva kukambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) anotaridza kuti fodya yaive yaunzwa kumisika yakatsaukana pazuva rechi69 mwaka wekutengesa watanga, yakawedzera pahuwandu kana zvichienzaniswa nemakore adarika.

TIMB inoti fodya yatengeswa kusvika pari zvino inokosha US$982, 445, 253 kana zvichienzaniswa nemakgs 203,290,423 anokosha US$703,497,321 ayo aive atengeswa panguva imwe chete iyi muna2024.

Mutauriri weTIMB, Mai Chelesani Moyo Tsarwe, vanoti zvinotaridza kuti fodya iyi icharamba ichiwedzera kuuya kumisika yakasiyana nekufamba kuri kuita mwaka sezvo vamwe varimi vachiri kupedzisa kugadziridza fodya yavo vachiisa mumabhero.

Vanoti mwaka uno vakatarisira fodya inokwana makgs 300 miriyoni iyo yasarirwa nechikamu chidiki kuti isvitswe.

“Inyaya yatinogara tichitaura nguva dzose nekurudziro kuvarimi vedu kuti vanyorese neTIMB kuti vawane maGrowers numbers pane kushandisa manumber evamwe. Mwaka wedu wefodya wava kuda kunopera nekudaro tinoramba tichivakurudzira kuti vatore maGrowers number avo kumahofisi edu,” vanodaro Mai Tsarwe.

Mutengo wefodya uri pakati nepakati mwaka uno unosvika US$3,36 pakg kana uchienzaniswa neUS$3,46 wegore rapera.

Mai Tsarwe vanokurudzira varimi kuti vatevedzere mitemo yose ine chekuita nekurimwa kwefodya.

Vanovayambirawo kuti vateme maguni efodya muminda yavo segadziriro yemwaka wekurima unotevera.

“Tinokurudzira kutevedzwa kwemitemo yose ine chekuita nekurimwa kwefodya kubvira muminda nekutemhwa kwayo, kupiswa, kugadzirwa kwemabhero kusvikira yaendeswa kumisika yefodya kwainotengeswa. Izvi zvinoita kuti pasawanikwe fodya inorambwa kumisika yedu sezvo tichisangana neimwe fodya inodzorwa ichinzi itange yagadziriswa,” vanodaro Mai Tsarwe.

Vanoti mwaka uno kusvika pazuva rechi69 kune mabhero efodya anokwana 107 654 aiva adzoswa kuvarimi nekuda kwezvikonzero zvakasiyana achinzi atange agadziriswa.

Panguva imwe chete iyi mwaka wadarika, mabhero aive adzorwa kuvarimi aisvika 79 367.

Mai Tsarwe vanoti chikamu chefodya yaunzwa kumisika chinosvika pa94, 63% pahuwandu hweiri kutarisirwa kuti isvike makgs 300 miriyoni.

Vanoti gadziriro dzemwaka wekurimwa kwefodya wa2025/ 2026 dzava padanho repamusoro sezvo nhondo dzacho dzakatodyarwa kare, kune vamwe varimi vanokurumidza kurima.

“Tine varimi vanoita fodya yavo yekudiridzira vakatodyara nhondo dzechirimwa ichi kare uyewo vamwe minda yavo vari kutorima kupindurira ivhu pasi. Vamwe vakashandisa hunyoro hwevhu hwagara huripo kare, seTIMB tinokurudzira zvakare kuchengetedzwa kwemarara akaita semapurasitiki nemagaba emishonga kuti zviiswe panzvimbo yakanaka isingakonzeri hutachiwana nekuzouraya zvipfuyo pamwechete nekurwarisa kana kuuraisa vanhu,” vanodaro Mai Tsarwe.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×