Ofurufushwa nemukadzi waakaramba

Tafadzwa Mutsotso

SAMUSHA vekuoneswa ndondo nemukadzi wavakarambana naye vakapotera kudare vachida kupihwa mvumo yekuti arege kuuya kumba kwavari kugara nemudzimai mutsva.Waymaster Kamedzera wepanhamba 9360 Kuwadzana Phase 3, muHarare, akaendesa aimbova mudzimai wake, Enita Kambarami, kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekusvika kumba kwake achiita bongozozo.

“Mambo wangu, ndinokumbirawo kuti mukadzi uyu asasvike kumba kwangu nekuti anokonzeresa.

‘‘Anouya pamba pangu achiita ruzha. Ndakasiyana naye ndikaenderera mberi neupenyu hwangu, saka ngaasiyane neni,” akadaro.

Akati hunhu hwaKambarami huri kumutadzisa kugara zvakanaka nemudzimai wake mutsva.

“Hunhu hwake hwave kundikanganisa kugara zvakanaka nemukadzi wangu.

‘‘Anouya kunyangwe nekubasa kwangu achingopopota achindituka mashoko anogozha kutaura.

“Handidi kuti auye kubasa kwangu. Kana achida kuona vana anondiudza ndomupa ovaonera kumba kwake kwete kuuya kwandinogara,” akadaro Kamedzera.

Akati akapihwa mvumo yekugara nevana nedare mushure mekunge zvaonekwa kuti ndiye anokwanisa kugara navo zvakasununguka.

“Vana ndini ndakavapihwa nedare mushure mekunge zvaonekwa kuti ndini ndakagara zvakasununguka. Handidi zvake zvaanotaura achiti ari kuda vana. Anovaona asi vachidzoka kumba, kwete zvake zvekuda kutiza nevana vangu,” akadaro.

Kambarami akapikisana naKamedzera achiti: “Baba ava vari kundinyepera. Handina kumbobvira ndasvika kumba kwavo ndichiita mhere mhere. Pose pandinoenda kumba ndinenge ndichitoda kuona vana kwete kuti ndinenge ndichida kuita bongozozo namainini.

“Ndakazvigamuchira kuti takasiyana akaita upenyu hwake asi hazvisiri izvo zvingaite kuti nditadze kuona vana vangu. Pandakaenda kubasa kwake ndaitoda kutaura zvenyaya yemwana airwara.”

Mutongi Yeukai akapa Kamedzera gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *