Okanda amai shoko rerudo

 ‘Mumwe musi  akapotsa anditsvoda’

Tafadzwa Mutsotso

MWANAKOMANA wekushaya hunhu zvekusvika pakuchiva amai vake, achivabata-bata kuti vashinhe naye, akazoguma aendeswa kumatare edzimhosva.Tutsirai Zhemi akamhan’arira Tawanda Zhemi (23), anove mwana wemurume wake, kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare kumba sezvo achimuvhurira hwindo otanga kutaura zvinyadzi nekumukumbira rudo.

“Rimwe zuva akatombondivhurira hwindo remumba mandinorara akatanga kutaura zvinyadzi achiti, ‘Amai ndinotoda kumbonzwawo kuti zvakamira sei’. Anotaura zvinyadzi zvisingaite kana kuti ndizvitaure pano. Haambondiremekedzi saamai vake,” akadaro Tutsirai.

Akati ave kutotya kuti Tawanda anogona kupedzisira amubata chibharo. “Mwana iyeye ane zvivindi, achandibata chibharo chete. Rimwe zuva akandibata-bata ndikatozoita zvekumuvhazurira uko apo akanga oda kutonditsvoda.

“Mambo wangu, ndibatsireiwo mwana iyeye ibhinya chairo. Ndiko kusaka ndauya kuzopoterawo kuno kudare kuti mundidzivirirewo,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti Tawanda akatombomurova zvekumukuvadza mushure mekunge amutuka apo akange akumbira kushereketa naye.

“Chero zvazvo ndisiri amai vake vekumubereka, anofanira kungoremekedzawo kuti ndiri mudzimai wababa vake, nekudaro nditoriwo mubereki wake. Akandirova ndikatonorapwa kuParirtenyetwa (Group of Hospitals) mushure mekunge andikumbira rudo ndikamutuka,” akadaro Tutsirai.

Tawanda haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake panyaya iyi.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Tutsirai gwaro redziviriro.

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×