Onai chokwadi nenhema’

Munyori weKwayedza
VOTAURA nezviri kurehwa nemurume wemuHarare uyo ari kuzviti ndimwari, Bishop Johannes Ndanga — avo vanova mukuru wesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) — vanoti kunyangwe zvazvo vasingashore zvitendero zvevamwe, vanoda kuyambira veruzhinji kuti vaongorore maporofita nemabasa awo, voita sarudzo yakanaka.

“Handishore mumwe munamati, asi chete chiripo kuti vanhu titevedze Bhaibheri zvizere kuti rinoti kudii. Hamheno kana vari Mwari hatipokane nazvo nekuti zvinhu zvemweya zvinonetsa,” vanodaro.

Kuchiti Madzibaba Mateo Mupfumbati (33) vesangano reFaith in God riri kuBudiriro, muHarare, vanoti havagone kupikisana naShadreck kana kutenda zvaari kutaura.

“Handizive zvangu asi Mwari mumwe chete nemwakomana wake Jesu Kirisitu uyo tinoziva kuti achamuka kepiri. Izvo zvekuti kwaane mumwe mwari hamheno, vanhu ngavaone voga chokwadi nenhema,” vanodaro.

Zvichakadai, kune vanhu vane chitsama vari kuzviti ndivo Jesu Kirisitu mazuva ano uyewo mumwe murume wemuHarare, Talent Madungwe, anoti akaenda kudenga kaviri achinoita musangano naMwari.

Vanotaura vanoti Madungwe, nevamwe vanoita izvi, maporofita enhema ayo akananga kutsvaga mbiri kana kuti varwere vepfungwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *