Varimi vemasamba voda rubatsiro

Rumbidzai Zinyuke
VARIMI vemasamba vekudunhu reManicaland vanoti vari kusangana nezvimhingamipinyi zvekuwana zvekushandisa mubasa ravo izvo zvinogona kudzorera kumashure zvikuru budiriro yavo.

Sachigaro weZimbabwe Farmers Union (tea commodity)  kuManicaland VaCharles Sanhanga vanoti varimi vari pasi pesangano reHonde Valley Tea Growers Association vanoda mari yechikwereti kuitira kuti vakwanise kutenga feteraiza yekushandisa.

“Tinotengesa masamba edu kuEastern Highlands Plantations uye takange taisa chikumbiro kwavari kuti vatipe feteraiza nechikwereti apo kambani iyi yaizotora mari yayo patinenge tatengesa zvirimwa zvedu, asi izvi hazvisati zvabudirira,” vanodaro VaSanhanga.

Vanoti panguva yavanenge vave kukohwa masamba (peak season) kubva muna Mbudzi kusvika Kubvumbi kazhinji vanokohwa 200 000 kgs pamwedzi. Huwandu hwemasamba anokohwewa aya hunodzikira pakati paChivabvu naGumiguru, apo varimi vanenge vave kugwanhurira mashizha pazvirimwa zvavo. Gore rapera, masamba akakohwewa aive 1,8 miriyoni kgs zvinova zvimwe chete nemuna 2017. “Huwandu hwemasamba achakohwewa gore rino hwatokanganisika kare nekuda kwekuti mvura yakanonoka kunaya. Takatanga kuwana chirimwa chakanaka muna Zvita,” vanodaro.

ZFU iri mushishi kutora matanho akangana kuti varimi vemasamba vakwanise kuwana zvikereti kubva kumabhengi.  ZFU Manicaland provincial manager VaDaniel Mungazi vanoti sangano ravo riri kushanda nevarimi vanosvika 900 vari pasi peHonde Valley Tea Growers Association.

“Takaita hurukuro neMetbank dzekuti bhengi iri ritsigire mabasa evarimi. Danho rakazotevera kupa umboo hunotaridza kuti murimi mumwe nemumwe anofanira kunge achiwana goho rakamira sei. Varimi vakakwanisa kuvhura maakaundi avo uye vari kuwana mari yavo kuburikidza nenhare pane kuti vafambe kuenda kwaMutare,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *