Ongororo nyika yose

Munyori weKwayedza

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana ratora matanho ekuti kuvhenekwa kwevanhu chirwere cheCovid-19 kusvike kunzvimbo dziri kumativi ose enyika – ari kunze kweHarare neBulawayo – nechinangwa chekuti veruzhinji vakwanise kuongororwa denda iri ndokutendera malaboratories 58 kuti achiitawo basa iri.

Pamalaboratory 58 aya, 26 ari pasi peHurumende, 29 akazvimirira kuchiti mamwe matatu ndeemasangano akazvimirira zvakare.

Danho rekuti chirongwa chekuvheneka vanhu hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 chisvike kunzvimbo dzakawanda riri kuuya panguva iyo Hurumende iri kuongorora imwe laboratory yekuBulawayo iyo iri kupomerwa kupa magwaro emanyepo eCovid-19 kuvanhu vanenge vachida kushanya kuSouth Africa.

Zimbabwe yakavhurwa miganhu yenyika nemusi wa1 Zvita uye vashanyi vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti havana chirwere cheCovid-19 (Covid-19 certificates) ayo avanenge vatora mukati memaawa 48 vasati vasvika pamiganhu yenyika ino.

Malaboratories akawanda anobhadharisa mari inosvika US$60 kuti munhu awane magwaro eCovid-19 aya izvo zviri kupa mukana wekunyuka kwemapoka akasiyana anopa magwaro emanyepo achibhadharisa mari shoma-shoma seUS$20.

Malaboratory anotenderwa pasi pemutemo kuita basa iri anosanganisira zvipatara St Luke’s iri kuLupane, Victoria Falls, Beitbridge nePlumtree.

Mamwe ndeanoti Gwanda Provincial Hospital, Gweru Provincial Hospital neThorngrove Infectious Diseases Hospital.

Nguva yadarika, kuvhenekwa kwevanhu chirwere cheCovid-19 kwaiitwa kuBulawayo nekuHarare chete izvo zvaikanganisa mafambiro akanaka ebasa iri.

Zvinenge zvatorwa mukuvhenekwa kwevanhu denda iri kubva kune mamwe matunhu masere, zvaizoendeswa kuBulawayo kana kuHarare izvo zvanga zvichiita kuti malaboratories awandirwe nebasa.

Chinyorwa chakabva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana chinoti malaboratories matsva ave kutenderwa kuvheneka vanhu Covid-19 akatanga kushanda nemusi wa28 Zvita.

“Nekuda kwaizvozvo, malaboratory asina mvumo yekuita basa iri ose anoonekwa seemanyepo uye acharangwa nemutemo weHealth Professions Act,” rinodaro bazi iri.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×