Ongororo yeMarriage Bill

Danai Chirawu
PANE gakava richiri kuenderera mberi maringe nechikamu cheSection 40 chegwaro richiri kubikwa kuti rizove mutemo reMarriage Bill.

Gwaro iri harisati radzikwa kuti rive mutemo saka pane mikana yekuti pange paine zvinhu zvinofanira kugadziriswa.

Pasi pegwaro iri, pane inodaidzwa kuti Civil Partnership zvichireva kuti murume nemudzimai vese vane makore 18 zvichienda kumberi uye vasina ukama vachigara vese uye vari murudo.

Izvi zvinofambirana nekuti vanenge vachiita mhuri uye chinangwa chikuru chegwaro iri chiri chekuchengetedza vanhu kubva kumativi ese kusanganisira nyaya dzemidziyo kana vachinge vazofunga kuparadzana muwanano yemhando iyi.

Mukugarisana uku, mutemo wenyika unotarisa kodzero dzevanhu zvichifambirana nezviri mumutemo weMatrimonial Causes Act (Chapter 5:13).

Gwaro iri rinotarisa kodzero dzemidziyo kana vanhu vachinge vave kuparadzana uye vabati vemitemo vanobatsira mukusimbaradza chengetedzo iyi pasina rusarura kana kuti munhu akaroorwa here kana kuti kwete.

Panoda kunyanya kutariswa chikamu cheSection 40 (2) chegwaro iri icho chinotsanangura zvinotariswa nematare edzimhosva kuti wanano yekugarisana inowanikwa here apo panonzi pane mikana yekuti ivepo.

Zvisinei, patsika nemagariro echivanhu nyaya dzekuchaya mapoto dzinoshorwa zvikuru muZimbabwe saka pachiri kutariswa kuti zvakakosherei kuti mutemo uyu uvepo.

Chimwe chikamu chiri mugwaro iri cheSection 26 chinotarisa nyaya dzekuenzaniswa kwemikana nekodzero dzevanhu panguva yewanano nepanozoparara wanano yacho.

Asi gwaro iri harisi kutarisa nyaya dzekuenzaniswa kwemikana sezvinoitwa muwanano takatarisa panhau yemidziyo.

Pane nyaya dzemidziyo dzinotariswa kunyanya kana vanhu vari muwanano saka panofanira kutaurwa nhau yekuremekedza midziyo yemumwe panguva yewanano nepainoparara.

Zvinoratidza kuti pachine mikaha inofanira kugadziriswa kuti gwaro iri ritarise nezvenyaya dzemidziyo, kusanganisira midziyo inovapo panguva yewanano.

Pawanano yakadai sekuchaya mapoto hupombwe haisi mhosva nokudaro wese anenge ari muwanano yemhando iyi anokwanisa kuwana midziyo yake kana wanano yacho ichinge yapera.

Asi vanhu vari muwanano yemurume mumwechete nemudzimai mumwechete (Marriage Act Chapter 5:11) vanokwanisa kuramba vachisungisa avo vanenge vapindira muwanano yavo panhau dzehupombwe kunze kwekuti kana zvichinge zvazobviswa pamutemo.

Hupombwe hunoramba iri mhosva kana munhu akada kuroora mumwe mudzimai iye ari muwanano yeChapter 5:11 uye anobatwa nemhosva inonzi muchirungu bigamy.

Nyaya yekutendera wanano yekugarisana pasina muchato inomutsa bongozozo muvanhu sezvo vaine pfungwa yekuti nyaya dzehupombwe dziya dzava kutenderwa, izvo kwete.

Zvinhu zvinodzikisira kuti munhu ari muwanano yekuva nemudzimai mumwechete kana murume mumwechete awanikwe achiita chipari nekuti imhosva.

Vanhu vakura vanenge vasarudza kugara vese semurume nemudzimai vane kodzero yekuchengetedzwa nemutemo sezvinoitwa vamwe vari mune dzimwe wanano dziri pamutemo parizvino.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900/0776736873 kana dzetoll-free dzinoti 08080131.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *