Onzi aroore amai vake

Nyasha Bvudzijena

MUKOMANA wemuHarare anoti ari kuoneswa ndondo nemadzisekuru — hanzvadzi dzaamai vake — vachimuti abvise pfuma yekuroora amai vake sezvo baba vake vasina roora ravakavapa.

Tatenda Zvavamwe akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arirwa naChenai Antonio, uyo anova mudzimai wababa vake, achiti ari kumushungurudza.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Antonio gwaro rinomudzivirira.

“Ndinoda kuti mukomana uyu amiswe kuuya pamba sezvo achiita mhirizhonga uye kuparadza midziyo yangu. Anouya achiti baba vake ngavabvise zita ravo pachitupa chake sezvo achiti havana kumuchengeta nekudaro zvinopedzisira zvave kuita kuti vanetsane,” anodaro.

Zvavamwe anoudza dare kuti ane chigumbu nababa vake nekuti havana hanya naye.

“Inini handikwanise kurega kuenda pamba pavo nekuti ndinenge ndichida kuona baba vangu uye kutsvaga rubatsiro sezvo ndiri kushupika uyezve havana kubvira vakandichengeta. Hama dzamai vangu dzinotondinetsera mari yeroora nekuti vanga vasina kubvisira mai vangu,” anodaro Zvavamwe.

Anoti baba vake vanosarura vana uye vakamuvenga nekudaro zvinomurwadza sezvo asisina chokwadi chekuti ndibaba vake chaivo.

Mutongi Miti anoti dare harigone kumisa Zvavamwe kusvika pamba panogara Chenai sezvo pachigara baba vake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×