Oparidza vhangeri neSungura

MUTUNGAMIRI wekereke yeEbenezer Church in Zion, Bishop Lovemore Muzondiwa – avo vanovazve muimbi wemusambo weSungura – vanoti vanonzwa kukomborerwa nekuparidza vhangeri kuburikidza nemusambo uyu.

Bishop Muzondiwa vechikwata cheMbarura Express vanoti vanoona chiedza chakanaka mune remangwana mumhanzi yavo zvichitevera kutambirwa kwairi kuitwa nevatsigiri vavo.

Muimbi uyu anoshanda nevamwe vane mukurumbira vakaita saFortunate Sungayi naRonnie Mudhindo avo vavanoti vanovabatsira zvakanyanya kusimudzira mhanzi yake.

Nguva yadarika, Bishop Muzondiwa vakaburitsa dambarefu ravo rekutanga – Bumber to Bumper – iro rakanetsa zvikuru nenziyo dzinoti Africa-Africa, Bumper to Bumper uye naRechu-rechu.

“Kazhinji vanhu vakanzwa kuti uri mutungamiri wekereke uchiita zvekuimba vanobva vafunga kuti uri kuimba nziyo dzechitendero chete asi ini ndiri kukwenya Sungura yakasimba uye nziyo dzangu dzinovaka, dzinoparidza vhangeri raJesu sezvariri.

“Ndinoona chiedza chakanaka mumhanzi yangu nekuti kana vatsigiri vedu vari kuitambira, vanoziva kwatiri kubva nekwatiri kuenda.

“Kutsikisa mhanzi hakusi nyore kunotoda hushingi sezvo mari yaunobuda ipapo yakawanda uye zvinoda kuzvipira kuti ndave kutsikisa,” vanodaro.

Bishop Muzondiwa, avo vanogara kuSouth Africa kwavanonyanya kuridzira pamwe nekutsikisa mhanzi yavo, vanoti vave kutarisira kusimudzira mhanzi yavo muZimbabwe.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *