Vana vakadzokera kuchikoro

RAIVE besanwa muHarare neMuvhuro svondo rino apo vana vechikoro vekumabhondingi vaidzokera kuzvikoro uyewo vamwe vabereki vachitengera vana vavo zvinhu zvakasiyana zvekushandisa.

Izvi zvinotevera kuvamba kwetemu yekutanga kwegore nemusi weChipiri svondo rino.

Vamwe vana vanodzidza kumabhodhingi – avo vaiperekedzwa nevabereki vavo – vakanaiwa nemvura apo vaive vakamirira mabhazi anovatakura kuzviteshi zvakasiyana sepana Fourth Street nekuna Rotten Row.

Vakasangana nedambudziko rekunonotswa kuenda kuchikoro pamwe nekunaiwa nemvura vanosanganisira vana vepaLydia Chimoyo Girls High, kuChimanimani, avo vakamira pachiteshi chekuna Fouth Street kwemaawa anodarika gumi vasati vawana chaivatakura.

“Isu tauya pano kuma 6 mangwanani asi nanhasi hatisati taenda kuchikoro, tave kurwadziwa nemakumbo nekumira apa hapana ari kutiudza kuti zvii zviri kunetsa,” anodaro mumwe musikana anodzidza pachikoro ichi achiratidza kunetsekana.

Chipo Kasosera (15), uyo ari kuita Form 3 pachikoro chimwe chete ichi, akatsutsumwawo nekunonoka kuuya kwemabhazi.

“Hatisi kuziva kuti tichaendawo nguvai asi tasvika kuma 6 mangwanani pakauya rimwe bhazi repachikoro richibva ratakura vamwe vana vatoenda asi vange vachitora vakapedza kubhadhara fizi nemari dzebhazi. Fizi tinobhadhara US$490, mari yebhazi iri US$13.

“Isu tasara asi takabhadhara hedu imwe mari. Pari zvino vabereki, maticha nenhengo dzeSchool Development Commitee vari mubhazi reZupco ravahaya umo vari kutaurirana, hatizivi kuti tichabudirira kuenda here,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naPanashe Macherenje (15) ari kuita Form 3 pachikoro ichi zvakare.

“Isu vemabhodhingi tinononoka kuvhara chikoro asi tichikasika kudzokera kuchikoro. Kudai tichingovhara nekuvhura nguva imwe chete nevadzidzi vanodzidza vachibva kudzimba,” anodaro.

Zvakadai, muzvitoro zvinotengesa midziyo yechikoro yakasiyana makange makazara nevatengi.

Nerimwe divi, vatengesi vepanze vaive mushishi kuhodha mabhuku, masokisi, zvinyoreso nezvimwe kuti vanotengesa kumisika yemikoto.

Kumabhanga akatsaukana, vamwe vabereki vaionekwa vari mumitsetse vachida kubhadhara mari dzechikoro.

Nekune rimwe divi, Hurumende iri kukurudzira zvikoro kuti zvitenge michina yemaPoint of Sale Machines kuti zvive nyore pakubhadhara mari dzechikoro. Bhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe rinoti rine hurongwa hwekuti michina iyi inge yavemo muzvikoro munguva pfupi iri kutevera.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *