Opihwa mendenenzi nemukadzi wemunhu

Ashley Muchamiri
MURUME wekudhonzera aimbove mudzimai wake kudare achida kuti amubhadhare mari yemendenzi yekuriritira vana vavo vatatu akashaya zvekuita nemufaro mushure mekunge chikumbiro chake chatambirwa.

Job Kaimbanemoyo akaendesa Patience Chaora kuHarare Civil Court achiti anoda kuti abhadhare mari yekuchengeta vana vavo.

“Ndinodawo kuti mudzimai uyu andipe mari inoita $120 yekuchengeta vana vedu vatatu vandiri kugara navo kuti ndibatsirikane,” anodaro.

Kaimbanemoyo anoti iye anoshanda uye aimbotambira $350 asi magetsi paakatanga kunetsa, muhoro wake wakabva wadzikira sezvo achishandisa magetsi nguva dzose kubasa kwake, saka anodawo kuti Chaora amubatsirewo pakuriritira vana.

“Kushanda ndinoshanda asi muhoro wangu wakadzikira nekunetsa kwave kuita magetsi. Ndosaka ndiri kukumbirawo kuti mudzimai uyu andibatsire pakuriritira vana ava sezvo vari vedu tese.”

Chaora anoti hapana chikonzero chekuti Kaimbanemoyo apihwe mendenenzi sezvo akamutorera vana ava.

“Hapana chikonzero chekuti murume uyu apihwe mendenenzi nekuti akaita zvekunditorera vana ava uye vana vari kufona vachiti vari kudya kamwe pazuva,” anodaro.

Chaora anoti haashande uye akatoroorwa nemumwe murume.

“Ini handishande, ndinotowanawo mari pandinopihwa nemurume akandiroora, ndipo pandinotumira vana mari yemabhuku nechikafu chavanotakura kuchikoro,” anodaro.

Kaimbanemoyo anobva amugamha achiti: “Ari kunyepera dare kuti haashande, anoshanda samahobho paimwe kambani uye mazuva aakawana basa ndini ndakamupa mari yebhazi neyechikafu.”

Mutongi Sheila Nanzombe akati Chaora abhadhare $70 pamwedzi yekubatsira kuchengeta vana vavo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *