Opikira kuba chibage chinyoro

Tafadzwa Masamba
MUKOMANA wekwaMutare akamiswa mudare reko ndokubatwa nemhosva yekuba miguri 32 yechibage kuminda yekuFlorida iri ikoko.

Emerson Matika (19) akabvuma mhosva yake paakamiswa pamberi pemutongi Purity Gumbo wedare reMutare Magistrate Court.

Muchuchisi Aaron Nyamasoka akataurira dare iri kuti nemusi 10 Kukadzi gore rino, Matika akaba miguri makumi matatu nemaviri yechibage chinyoro pamunda uri kuFlorida unova waMarry Sithole.

“Nenguva dzemasikati Matika akaenda kumunda uku ndokusvodogora miguri 32 yechibage pasina kuwirirana naSithole zvikaita kuti awanikidzwe nemumwe muvakidzani ane munda uri padivi newaSithole, James Marikasa, ari mubishi rekutemha chibage ndokunoudza muridzi wemunda zvainge zvichitika,” anodaro muchuchisi Nyamasoka.

Mutiki akawanikidzwa naSithole achiba chibage ichi ndokubatwa akanomhan’arirwa kuMutare Central Police Station.

Achipawo divi rake mudare, Matika anoti akaba chibage ichi kuti agochitengesa agowana mari.

“Ichokwadi mambo, ndaida kuti ndigotengesa chibage ichi ndigowanawo mari yekutenga zvokudya. Ndakakanganisa mambo, ndinokumbirawo kuti mundiregereiwo,” anodaro Matika.

Mutongi Gumbo akatemera Mutiki chirango chekuti abhadhare faindi ye$150 uye kukundikana kwake achapika mazuva 21 mujeri.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×