Vopwanyirana hari dzepakirawa

Courtney Munodawafa
VANAMADZIBABA vakazvuzvurudzirana kudare vachipomerana mhosva yekupunzirana midziyo yavanoshandisa pakunamata uye nekushandisa mari yechechi zvisiri izvo. Knowledge Jackson — uyo anopinda chechi yeJohanne Masowe yeChishanu — akaendesa Evidence Sanyahumba waanonamata naye kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Jackson gwaro rinomuchengetdza.

“Mutongi, murume uyu ndonamata naye kuJohanne Masowe yeChishanu kuDzivarasekwa Extension, asi handisisina mufaro pandinononamata. Patinenge tiri kuchechi, anoda kundirwisa achindikanganisa manamitiro angu,” anodaro Jackson.

Anoti Sanyahumba akamupwanyira mimwe midziyo yake yaanoshandisa mukunamata.

“Akandipwanyira mbiya yangu, hari dzimwe dzatinoshandisa nezvimwe zvinhu zvatinoshandisa kana tichishandira vanhu. Anofamba achiudza vana vesangano kuti ndine HIV achinditukirira nemazwi anonyadzisa.

“Ndakambomubvunza kuti nei achidaro asi haana kundiudza. Ndakambomhan’ara kumapurisa akanditi ndiuye kuno. Dai dare randibetsera murume uyu aregera kundishungurudza, andisiye achindiona ndichizvinamatira zvisina pamuromo,” anodaro.

Sanyahumba anoti haana kumbobvira ashungurudza Jackson.

“Ndakaverenga mapepa edare asi handina kunzwisisa zvichemo zvavo. Hongu, tinonamata tese asi handina kumbobvira ndavashungurudza. Dambudziko rinamadzibaba ava nderekuti havadi kutsiurwa kana kupangwa mazano asi kuti ivo ndivo vanomanikidzira kuda kuudzira vamwe.

“Hari dzavari kutaura ndedzechechi. Ivo vakadya $400 yechechi vachiti vaida kutenga gravel asi vakatenga gravel ravo risiri rechechi. Vanoda kundiita munhu akaipa nokuti ndakavamhan’arira kuchechi.

“Hongu, ndakashevedzwa kumapurisa asi kwaiva kunzi ndibve pachechi nekuti ndakawana vatovepo. Ini chandiri kungoda kuti mari yevanhu idzoswe,” anodaro.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×