Opomerwa kuba $91 000

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza akamiswa pamberi pedare reHarare Magistrates’ Courts nemhosva yekuba $91 000 yemuridzi iyo yaainge akachengeteswa.

Mutongi wedare iri, Victoria Mashamba, akati musungwa Abel Chakamanga (35) wepanhamba 24 Coul Drive, Mount Pleasant, muHarare, adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya yake kuchaenderera mberi.

Muchuchisi Sebastin Mutizirwa akaudza dare kuti pazuva risingachazivikanwi nedare asi muri mugore ra2016, mumhan’ari Aboulah Mahommed (52) wepanhamba 12491 Unit, kuChitungwiza, anonzi akabirwa mari yake naChakamanga. Mari yaakabirwa iyi inonzi imwe yemari yainge yabva kukambani yeSafeguard kunova kwaakange atengesa imba yake yaikosha US$180 000.

Mari iyi inonzi yakambotanga yakaiswa muakaundi yakanzi Sinyoro and Partners Trust.

VeSinyoro and Partners Trust vanonzi vakachaja mari dzavo dzechibatiso (interest) izvo zvakaita kuti mumhan’ari asare aine $157 850,00.

Mahommed anonzi akazosangana naChakamanga uyo anonzi akavimbisa kuzomupa mari yemusvo zvikaita kuti ange achiisirwa $66 000 muakaundi yake yebhengi reNMB.

Chakamanga anonzi akabva aenda kunotora $60 000 achibva anopa mumhan’ari sekuwirirana kwavakaita achibva asara ne$6 000 yekomisheni.

Nomusi waKurume 3 gore rino, vaviri ava vanonzi vakatenderana nezvekutumirana $10 000 pasvondo izvo zvakaita kuti Chakamanga ange achitumirwa $41 000 muakaundi yake yeNMB Bank neimwe $51 000 yakaiswa muakaundi yake yeStandard Chartered Bank.

Vaviri ava vanonzi vakatenderana kuti Chakamanga aizonotora mari iyi iri ma$10 000 pasvondo achiipa kumumhan’ari.

Pachinzvimbo chekuita izvi, mumazuva akasiyana mumwedzi waKurume Chakamanga anonzi akatangisa kubhadhara zvinhu zvakasiyana achishandisa mari iyi yaive mumabhengi maviri achibva akundikana kupa mumhan’ari mari yake.

Huwandu hwemari yaakarasikirwa nayo hunonzi hunosvika $91 000 uye hapana chakawanikwa.

Chakamanga ari kutongwa nemhosva mbiri dzekuba midziyo yakachengeteswa pasi pemutemo weCriminal Law and Reform Act Chapter 9:23 (Theft of Trust Property).

Haasati awaniswa mukana wekubvuma kana kuramba mhosva iyi.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×