Orapwa gomarara kuna’nga

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuMacheke, kudunhu reMashonaland East, uyo anorarama nehusope ari kutsvaga rubatsiro kubva kune veruzhinji rwekuti arapwe gomarara riri padama rake iro riri kumutambudza.

Tichaona Blessed Nanthiya (35) — uyo akawanikwa neKwayedza achishandirwa  kuimwe n’anga yekuChitungwiza — anoti gomarara iri rakatanga kumushungurudza mumwedzi waChivabvu gore rapera.

“Ndakatanga kutambudzwa negomarara mumwedzi waChivabvu gore rapera uye ndinogara kuMacheke kuAthlone Farm kune Nhohwe High School. Ndiri kuchema kuti kana pane vanokwanisa kundibatsira kuti ndirapwe vandibatewo panhamba dzinoti 0772 287 692.

“Ndakamboenda kuzvipatara zvakawanda kuti ndibatsirwe asi zvakaramba, ndiko kusaka ndakaona zviri nani kuti ndimbobatsirwa nemishonga yechibhoyi,” anodaro achiratidza kurwadziwa.

Ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe Cancer Association inoratidza kuti vanhu vanorarama nehusope vane mikana yakawanda yekutambudzwa nezvirwere zvegomarara, zvikuru reganda sezvo miviri yavo ichikasika kukuvadzwa nezuva. Dambudziko rekudhura kwemishonga uye mafuta anotanda zuva (sunscreen lotion) ndiro rimwe riri kuita kuti vanhu vane husope vapedzisire vabatwa negomarara yeganda. Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vavhenekwe gomarara nenguva kuti vakurumidze kurapwa chirwere chisati chakomba.

Kambani yeZimpapers ndiyo imwe iri kubatsira varwere vegomarara apo inounganidza mari yainozoendesa kusangano reIsland Hospice kunobatsira varwere vegomarara, zvikuru avo vari panhowo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *