Orarisa mukadzi nemwana panze

 

 

Tatenda Shuro

VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe mudzimai akati murume wake anotora chikafu chavanofanirwa kudya nemhuri mumba, zvose nemidziyo yavo achinozvitengesa, mari yacho odudunya kudoro.

Regina Nyanhango akamhan’arira Fungai Marufu kuHarare Civil Court achiti dzimwe nguva – nechando chose chiriko ichi – murume wake anomurarisa panze zvose nemwana wavo.

“Fungai murume wangu, asi andishaisa rugare. Anoti abva kubhawa, anovhura gonhi nebhutsu, opinda nekurova vana uye pandinoedza kutaura naye kuburikidza nehunhu hwake hwakashata, anobva apwanya mahwindo emba,” anodaro.

Nyanhango anoenderera mberi: “Akange adhakwa anongoita hunhu husina kunaka, anotengesa midziyo yemumba chero nechikafu chandinenge ndakachengeta, onodhakwa.”

Anoti Marufu anomutukirira nezvinyadzi pajekerere.

“Anonditukirira zvechipfambi chandisingazive,” anodaro.

Nyanhango anoti dzimwe nguva husiku murume wake anomukiira gonhi ari panze izvo zvinoita kuti atonhorwe nechando aripo.

“Ndauya kuno nokuda kwekushaiswa rugare nemurume uyu, akabva kwaanenge ari, ondikiira gonhi zvokuti nechando tinotonhorwa tiri panze,” anodaro Nyanhango.

Marufu haana kuuya kudare kuti azopawo divi rake pamusoro penyaya iyi.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Nyanhango gwaro redziviriro.

 

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *