Oroverwa kuramba kudzokerana

COURT1
MUKADZI wekugarozvindikitwa nekutukirirwa nemurume waari kuramba kudzokerana naye zvichitevera kurambana kwavakaita akazopotera kudare. Jane Maziso akamhan’arira Maxwell Tsapi kuHarare Civil Court achiti anzwa nekuteverwa kwaanoenda achirohwa nekutukirirwa.

“Changamire, ndapfidza nekurohwa nemurume uyu. Ndakasiyana naye muna Chivabvu gore rino anditi ndibve ini nehanzvadzi yangu yandaigara nayo. Asi iko zvino ava kupota achinditeverera kwose kwandinoenda.

“Anondirovera kuti ndiri kuramba kudzokerana naye nekuda kwezvakaitika, handizivi kuti zvinoroverwa munhu here. Kana ndimiwo, ndingadzokere kumunhu ari kutondirova achitaura neni zvehasha?” akadaro Maziso.

Tsapi akaramba zvaitaurirwa naMaziso achiti:
“Ini handina kumudzinga pamba asi pandakamuudza kuti tsano zvavakatizirwa hazvichaita kuti tirambe tichigara navo vava kufanira kutanga hwavo upenyu akagumbuka ndokuti kana akabuda ndobudawo.

“Panongova nemwedzi zvinhu izvi zvaitika. Kumutevera kwandinoita ndinenge ndichiti nditaure naye tigadzirise zvinhu iye obva aramba saka topedzisira tava kupopotedzana nekudhonzana, hembe yake ndokubvaruka achida kutiza kwete kuti ndakamurova,” akadaro Tsapi.

Mutongi Barbra Masinire akapa gwaro redziviriro kuna Maziso achiti vataurirane nyaya yekudzokerana murunyararo asi akati hazvaigona kuti dare rirambidze Tsapi kuti amutevere nekuti vachiri mukadzi nemurume zviri pamutemo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×